Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vatatu Vanofa neCovid-19 muZimbabwe Panguva Iyo Nyika Yakavharwa


Luckymore Bhunu, secrétaire de la Retail Pharmacists Association à Harare le 9 octobre 2018.
Luckymore Bhunu, secrétaire de la Retail Pharmacists Association à Harare le 9 octobre 2018.

Huwandu hwevanhu vabatwa neCoronavirus munyika hwakwira kusvika pavanhu gumi nemumwe chete uye vafa nechirwere ichi vave vatatu apo nyika yapinda muzuva regumi vanhu vachigara mudzimba senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Bazi rezvehutano rinoti wechitatu ahaya uyu munhu ane makore makumi mashanu, uye ashaya neChitatu manheru.

Pasi rose vanhu vanodarika mabhiriyoni mana vari kugara vari mudzimba dzavo senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCoronavirus.

Bazi rezvekutano rinoti kusvika neChipiri pange pave nevanhu gumi nemumwe vabatwa neCoronavirus uye pane mumwe mugari wekuBulawayo akashaya nemusi weMugovera, izvo zvakasiya munyika mave nevanhu vaviri vafa nechirwere ichi.

Asi vanhu vafa vava vatatu zvichitevera kushaya kwaita murume uyu neChitatu manheru.

Bazi rehutano rinoti mushakabvu wechipiri aive nemakore makumi manomwe nemapfumbamwe, akaenda kwachiremba wake musi wa23 Kurume aine zviratidzo zvemunhu anorwara neCoronavirus, uye paasina kupora mushure mekurapwa, akazoendeswa kune chimwe chipatara musi wa 2 Kubvumbi uko akaramba achikosora nekutadza kufema zvakanaka.

Hutano hwake hwakaramba huchidzikira akabva aiswa muIntensive Care Unit uye chikwata chinoona nezvechirwere ichi muBalawayo cheCOVID-19 Rapid Response Team chakazoshevedzwa ndokuita ongororo yekuona kuti ainge asina Coronavirus here kana kuti kwete.

Bazi rehutano rinoti murume uyu akashaya akamirira zvainge zvabuda muongorora yainge yaitwa neNational Microbiology Reference Laboratory muHarare.

Ongororo iyi yakaratidza kuti murume uyu, uyo anonzi afamba kune dzimwe ainge aine hutachiwana weCoronavirus.

Asi munhu wechitatu kufa uyu akadzoka kubva kuBritain musi wa Kurume 21, uye akawanikwa aine Covid-19 musi wa Kubvumbi 2, uye akazoendeswa kuWilkins musi wa Kubvumbi 7 ava kurwara zvakanyanyisa.

Humbowo kubva kubazi rezvehutano hunoratidza kuti chirwere ichi chakaonekwa muZimbabwe musi wa21 Kurume uye chakabva nemunhu kunze kwenyika.

Chirwere ichi chakazotanga kupararira munyika musi was 24 Kurume.

Pasi rose vanhu vanodarika miriyoni imwe chete nemazana mana nemakumi mashanu ezviuru vabatwa nechirwere ichi, uye vanhu vanodarika zviuru makumi masere nezvitatu nemazana mashanu ane makumi masere nevashanu vafa nechirwere ichi kubva pachakatanga gore rapera kuChina.

America ndiyo iri kutungamira nevanhu vanodarika mazana mana zviuru vabatwa nechirwere ichi.

Panguva iyo vanhu vari kunzi vagare mudzimba dzavo, vakawanda munyiika vari kuchemachema kuti mitengo yezvinhu iri kukwira zvakanyanya panguva ino yeLockdown.

Mumwe mugari wemuHarare asina kuda kudomwa nezita audza Studio 7 kuti hurumende inofanira kuona zvaingaiite kuti mitengo isarambe ichikwira.

Vamwewo amai vati vanonzi Amai Moyo vanoti dai hurumende yabvumidza kuti zvitoro zvese zvivhure panguva ino vachiti zvishoma zvakavhura zviri kudhura zvakanyanya.

Mutungamiriri werimwe sangano rinomirira vezvitoro reConfederation of Zimbabwe Retailers Association, VaDenford Mutashu, vaudza Studio 7 kuti zviri kuitika hazvina kunaka vachiti mitengo haifaniri kukwidzwa zvisina tsarukano.

Vachiparura chirongwa cheLockdown chemazuva makumi maviri nerimwe, mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakayambira vemabhizimisi kuti vashandisa dambudziko reCoronavirus kukwidza mitengo yezvinhu vakati vachaita izvi vacharangwa.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati vachongorora kuti pane vakasungirwa nyaya iyi here asi vakati vazhinji vemabhizimisi vasungwa pari zvino ndevaya vari kuvhura mabhizimisi avo vasina mvumo.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti hurumende itevedze zvakataurwa nemutungamiriri wenyika kuitira kuti vemabhizimisi vasarambe vachiomesera veruzhinji.

Chirwere cheCoronavirus chave mumatunhu anoti, Harare, Bulawayo, Matabeleland North neMashonaland East.

Pasi rose vanhu vanodarika mabhiriyoni mana, kusanganisira vemuZimbabwe, havasi kuenda kumabasa senzira yekudzivirira kupararira kweCoronavirus.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG