Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inobatsirwa neZvipfeko Zvekushandisa Muzvipatara


Obediah Moyo, Zimbabwe’s Health Minister (left) speaking to officials at a hospital in Harare, March 02, 2020, which is being used as facility to treat patients who would have been suspected of contracting COVID-19. (Columbus Mavhunga/VOA)
Obediah Moyo, Zimbabwe’s Health Minister (left) speaking to officials at a hospital in Harare, March 02, 2020, which is being used as facility to treat patients who would have been suspected of contracting COVID-19. (Columbus Mavhunga/VOA)

Hurumende yeBritain yapa Zimbabwe zvipfeko zvekuti vashandi vemuzvipatara vapfeke pavanenge vachirwisana nechirwere cheCovid-19 senzira yekuti nyika inge yakagadzirira zvakakwana kuchirwere ichi.

Vachisvitsa zvipfeko izvi, izvo zvinosanganisira ma mask ekuvhara muromo nemhino pamwe nembatya dzinoshandiswa nevashandi vemuzvipatara kuti vasabatire zvirwere, izvo zvakatengwa nehurumende yeBritain kuburuikidza nebazi reDepartment for International Development kana kuti DFID, mumiriri wesangano reWorld Health Organization muZimbabwe, VaAlex Gasasira, vati vari kufara nekugadzirira kwakaita Zimbabwe kurwisana nechirwere cheCovid-19.

Mukuru weDFID, Amai Cate Turton, vati zvipfeko zvavasvitsa kuZimbabwe nhasi zvinokosha mari inodarika zviuru zana zvema pounds uye vacharamba vachipa Zimbabwe izvi kusvika zvasvika pamari inodarika miriyoni rimwe chete nezviuru mazana manomwe emapaunzi

Gurukota rezvehutano, VaObediah Moyo, vati vafara zvikuru nerubatsiro urwu.

VaMoyo vatiwo nyika inofanira kugara yakavhura ziso zvichitevera kuziviswa kwaitwa nehurumende yeSouth Africa nhasi kuti pane munhu awanikwa aine Covid-19.

Mukuru anoona nezvehutano muHarare, Dr Prosper Chonzi, vaudza Studio 7 kuti vari kushanda zvakasimba kuti kana chirwere che coronavirus chikapinda munyika, vawanikwewo vakagadzirira zvakakwana.

Zvichakadai, mumiriri weChina muZimbabwe, VaGuo Shaochun, vazivisawo VaMoyo kuti hurumende yavo ichavandudza chipatara che Wilkins muno muHarare kuitira kuti chipatara ichi chinge cghine zvose zvinodiwa mukurwisana nechirwere che coronavirus izvo zvatsinhirwa naVaMoyo.

Chirwere che coronavirus chakatangira kuChina chikauraya kauraya vanhu vanodarika zviuru zvitatu munyika dzakawanda, uye vanhu vabatwa nechirwere ichi pasi rose vanodarika zviuru makumi mapfumbamwe nezvishanu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG