Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inopihwa $961 Million neIMF


FILE PHOTO: The IMF logo is seen outside the headquarters building in Washington
FILE PHOTO: The IMF logo is seen outside the headquarters building in Washington

Zimbabwe nhasi yatambira mazana mapfumbwamwe nemakumi matanhatu nerimwe emamiriyoni emadhora ekuAmerica (US$961m) kubva kuInternational Monetary Fund (IMF) pasi pechirongwa chesangano iri chekugadzirisa nyaya dzehupfumi munyika dzepasi rose uhwo hwavhiringwa nedenda reCovid-19.

Izvi zvaziviswa negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, pamwe nagavhuna webhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, Dr John Mangudya.

Mumashoko avo kuvatori venhau, vaviri ava vati zvaitwa neIMF izvi zvichasimbisa mari yemuno.

Vati mari iyi ichashandiswa zvakajeka kutsigira mabasa ehutano, dzidzo, vanotambura, kusimudzira maindasitiri, mabasa ekurima, kugadzirisa migwagwa nezvimwe.

Vati imwe mari yabva kuIMF, iyo yapihwa Zimbabwe pasi pechirongwa cheSpecial Drawing Rights, ichashandiswawo mukurwisa Covid-19, nyaya dzehutano, dzidzo nekubatsira vanotambura nezvimwe ichashandiswa kutenga nhomba.

Asi mamwe mapato anopikisa munyika audza Studio 7 kuti VaNcube vanofanira kutsvaga mvumo yekushandisa mari iyi kubva kuparamende.

Mumiriri weHatfield muparamende, Dr Tapwia Mashakada veMDC-T, vanove zvekaare gurukota rinoona nezvemari mubato iri vati zvakakosha kuti Zimbabwe yawana ruyamuro rwekusimudzira hupfumi hwayo panguva ino yeCovid-19.

Vatiwo chinodiwa chakakosha kuti mari iyi ishandiswe pajekerere. Vati dare reparamende rinofanira kuve nechekuita nekushandiswa kwemari iyi.

Izvi zvatsigirwa nemutevedzeri wemutauririri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, avo vaudza Studio 7 kuti paramende ndiyo inomirira vahu nekudaro ndiyo inofanira kugara pasi kuti mari iyi yoshandiswa sei.

Vati vana veZimbabwe vanofanira kubatana mukuona kuti mari iyi yashandiswa zvakanaka.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kubato reZanu PF sezvo mushandi mukuru mubazi rekuburitswa kwemashoko mubato iri, VaTafadzwa Mugwadi, vange vasati vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, vachishanda nesangano reLabour, Economic Devopment Research Institute of Zimbabwe, Dr Prosper Chitambara, vaudza Studio 7 kuti mari yabva kuIMF iyi hachisi chikwereti nekudaro inofanira kushandiswa zvine hungwaru.

Vatiwo mari iyi inofanirawo kushandiswa panyaya dzekuvandudza mabasa emuvura nekugaya mumagetsi vachiti kana izvi zviripo vekunze vanouya kuzosima mari dzavo munyika.

IMF yakapa nyika dzepasi rose mazana matanhatu nemakumi mashanu emabhiriyoni emadhora ekuAmerica kuti dzisambaradze hupfumi hwadzo uhwo hwuri kuvhiringwa nedenda reCovid-19.

Mune imwewo nyaya komisheni inoona nezvekushanda kwevatongi vematare munyika, Judicial Service Commission, (JSC),nhasi yaziviisa kuti bvunzo dzekutsvaga vatongi vapfumbamwe vedare repamusoro idzo dzakambomiswa zvichitevera kuvharwa kwenyika nekuda kwedenda reCovid-19, dzave kuzoitwa svondo rinouya kutnga musi wa30 Nyamavhvhu kusvika musi wa1 Gunyanya.

Pane vanhu makumi matatu nevashanu vachapinda mubvunzo idzi vanosanganisira mukuru wevatongi vematare amajisitiriti, kana kuti Chief Magistrate, VaMunamato Mutevedzi.

Muchiziviso chayo nhasi, JSC yati bvunzo idzi dzichaitirwa kuhotera yeRainbow Towers.

Munguva ino yedenda reCovid-19, JSC inoti haisi kukurudziri veruzhinji kuti vaende kubvunzo idzi ichiti dzichange dzichiburitswa pamadandemutane ayo eFacebook neTwitter uyewo panhepfenyuro yeZimbabwe Broadcasting Corporation.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG