Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inotambira Nhomba yeCovid-19 Mazana Mana eZviuru


SIMOPHARM VACCINE ARRIVAL

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vatambira nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 dzinosvika zviuru mazana mana kubva kuChina.

Vachitaura panhandare yeRobert Mugabe International Airport, VaMnangagwa vati panhomba dzinoita mazana maviri ezviuru dzakapihwa Zimbabwe serubatsiro neChina.

Nhomba idzi dzakagadzirwa nekambani yeSinopharm.

Pamusoro pezvo, VaMangagwa vatiwo Zimbabwe yakatenga dzimwe nhomba mazana maviri ezviuru dzemhando yeSinovac senzira yekurwisa chirwere cheCovid-19.

Sinovac inogadzirwa zvakare kuChina.

VaMnangagwa vati kubaiwa kwenhomba ndiko chete kunoita kuti Zimbabwe ikundechirwere cheCovid-19

Nyanzvi mune zvehutano huye vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa,Dr Henry Madzorera, vati kuuya kwenhomba idzi chinhu chakanaka zvikuru uye ndizvo zvavagara vachikurudzira hurumende kuti iite.

VaMadzorera vatiwo zvinogona kubatsira kuti vanhu vave nechido chekunobaiwa.

VaMadzorera vatiwo zvakakosha kuti hurumende isimbise kurudziro hyekuti vanhu vaende kunobaiwa.Vatiwo kuunganidza nhomba munyika hazvibatsiri zvakanyanya kana dzisiri kushanda basa radzo.

VaMadzorera vati zvakakosha kuti VaMnangagwa vabaiwe nhomba pajekerere vachiti izvi zvikaitwa vanhu vanovimba nenhomba dziri kubaiwa munyika.

Mutungamiriri wesangano remachiremba akazvimirira, re Medical and Dental Private Practitioners of Zimbabwe Association, Dr Johannes Marisa, vatiwo munyika munodiwa dzidziso zvakanyanya vachiti mashoko enhema pamusoro penhomba dziri kubaiwa munyika ndiwo akanyanya zvichienzaniswa nemashoko echokwadi.

VaMarisa, avo vakatobaiwa nhomba yepiri yeCovid-19, vati manyepo ekuti nhomba iyi iri kurwarisa kana kuuraya vanhu.

VaMarisa vati vanhu vanoda kudzidziswa zvakanyanya kuti kubayiwa nhomba ndonzira yekuzvidzivirira chirwere cheCovid-19. Vati vanhu vakatadza kubaiwa nhomba iyi, vanhu vanoramba vachifa sezvo chirwere ichi.

Mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vazivisawo kuti veruzhinji vasatyira kuti nhomba iyi inogona kupera simba rayo isati yashandiswa sezvo nguva yakatarwa mishonga iyi yakakura.

VaMujiri vati bazi ravo riri kuramba richipa dzidziso pamusoro pechirwere cheCovid-19 pamwe nedzidziso pamusoro penhomba iri kushandiswa munyika nechinangwa chekuti vanhu vakawanda vabaiwe nhomba senzira yekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Kusvika nezuro, vanhu zviuru makumi matatu nezvinomwe nemazana matanhatu nemakumi matanhatu, 37 660, vanga vabaiwa nhomba yeSinopharm munyika yose .

Chirwere ichi chauraya vanhu chiuru nemazana mashanu nevana, 1 504 munyika huyewo chabata vanhu vanodarika zviuru makumi matatu nezvitanhatu nemazana mashanu nevana 36 504.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG