Accessibility links

Breaking News

Nhomba dzeSinovac Mamiriyoni Maviri Dzinosvika Munyika


Zimbabwe receives 2 million Sinovac vaccines from China

Zimbabwe yatambira nhomba dzeSinovac mamiriyoni maviri kubva kuChina panguva iyo nhomba yeCovid-19 iri kunetsa kuwana munyika.

From left, dep minister John Mangwiro, finance minister Mthuli Ncube
From left, dep minister John Mangwiro, finance minister Mthuli Ncube

Vachitaura vari paRobert Gabriel Mugabe, mutevedzeri wegurukota rezvehutano, VaJohn Mangwiro, vati vatambira nhomba yeSinovac mamiriyoni maviri

VaMangwiro vati hurumende ichawedzera nzvimbo dzekubayira vanhu nhomba kusanganisira kwese kunoungana vanhu.

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vati vari kutarisira dzimwe nhomba miriyoni nechidumbu svondo nouya uye dzimwe nhomba mamiriyoni maviri kupera kwemwedzi uno.

VaNcube vatiwo nyaya yenhomba haina kungokoshera kudzivirira kufa kwevanhu asi kuti yakakoshawo mukudzivirira kuwondomoka kwehupfumi hwenyika.

Vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa uye vari munyori wezvehutano muMDC Alliance, Dr Henery Madzorera, vati…

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu makumi matatu nevana vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro izvo zvakasvitsa vanhu vafa nechirwere ichi pachiuru chimwe chete nemazana mapfumbamwe ane makumi manomwe nevatatu, 1,973.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose vave zviuru makumi matanhatu ane mazana maviri nemakumi maviri nevanomwe, 60,227, zvichitevera kubatwa kwevanhu zviuru zviviri nemazana maviri nemakumi matanhatu nevana, 2264, nezuro wakare.

Kusvika nezuro, hurumende inoti vanhu vabaiwa nhomba yekutanga yeCovid-19 vakange vave zviuru mazana masere negumi nezvipfumbamwe nemakumi mashanu nevasere, 819,058.

Vanhu vabaiwa nhomba dzose dziri mbiri vave zviuru mazana mashanu ane makumi manomwe nezvipfumbamwe nemazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nevapfumbamwe, 579 699.

Huwandu uhu hunotarisirwa kukwira apo hurumende ichazivisa zvayawana muongororo dzaitwa neChina.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhuta kubva muzana kuitira kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG