Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotaura Pamusoro peKugadzwa kwaVaTrump


VaObert Gutu
VaObert Gutu

Vanhu vakawanda muZimbabwe vatambira kugadzwa kwemutungamiri mutsva weAmerica, VaDonald Trump, zvisina mutauro uye sekurongwa kwazvange zvakaitwa vachiti zvinhu zvanaka kudai ndizvo zvinofanirwa kutevedzwa nevezvematongerwo enyika muZimbabwe neAfrica yose.

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaHarry Thomas Jr, vati kutambidzana kwemasimba murunyararo zvagara zvichiitika munyika mavo kwenguva yakareba.

Vachitaura neStudio 7 muHarare, VaThomas vati vanhu vemuZimbabwe vane maonero akasiyana siyana pana VaTrump uyewo vane tarisiro dzakasiyana kubva mutungamiriri mutsva weAmerica.

Vati pavanhu vakawanda vavakataura navo pane vamwe vanofunga kuti samuzvinabhizimisi, VaTrump vachabatsirawo kusimudzira mabasa emabhizimisi izvo zvichaita kuti nyika iwane mari yekunze yakawanda.

Asi vatiwo pane vamwe vane maonero akasiyana vasingazive kuti hutongi hwaVaTrump huchange hwakamira sei.

Mumwe mugari wemuHarare, VaPrince Muramba, vanoti zviri kuitika kuAmerica zvinoyemurika kana zvichienzniswwa nezviri kuitika muAfrica.

Mutauriri weMDC inotungamirirwa neVaWelshman Ncube, VaKurauone Chihwayi, vanotiwo zviri kuitwa kuAmerica zvinoyemurika uye vezvematongerwo enyika muZimbabwe vanofanira kutevedzera zvinhu zvakadai.

Mutauri weMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaObert Gutu, vaudza Studio 7 kuti zviri kuitika kuAmerica ndozvinodiwa muZimbabwe kwete zvekuti sarudzo dzinenge dzine mhirizhonga uye paine mukana wekuti akundwa musarudzo anogona kurambira pachigaro.

Vaenderera mberi vachiti zviri kuitika kuGambia uko VaYaya Jameh vari kuramba kubva pachigaro kunyange hazvo vakakundwa musarudzo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzine maonero akasiyana siyana maererano nehutongo hwaVaTrump.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaFortune Gwaze, vanoti kana VaTrump vakatevedza zvavaitaura apo vaitsvanga rutsigiro, Africa inogna kurasikirwa zvakanyanya sezvo VaTrump vari kuda kutarisa nyika yavo zvakanyanya pane kutarisa kunze.

Asi VaVivid Gwede vanoti hapana chinotadzisa VaTrump kuita zvange zviri kuitwa nevamwe vatungamiriri veAmerica vakasiya chigaro ichi.

Asi Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaKindeness Paradza veZanu PF, vanoti kugadzwa kwaVaTrump hakunei neZimbabwe kana vasiri kuzobvisa zvirango zvakatemerwa Zimbabwe neAmerica.

Asi vati vanovimba kuti VaTrump samuzvinabhizimisi vachaona kuona kushata kwezvirango zvehupfumi zvakatemerwa hurumende yaVaMugabe.

Asi VaThomas vati havasati vaziva kuti hurumende yaVaTrump ichashanda sei uye vati zviri kumutungamiri mutsva nedare reCongress kuti varonge zvekuti basa nezvirongwa zvehurumende zvichafambiswa sei.

Asi vati nhoroondo inoratidza kuti zvirongwa zvinotangwa nemumwe mutungamiriri zvinogona kunderera mberi kunyange mutungamiriri uyu abva apachigaro.

Vati semuenzaniso, chirongwa cheMandela Washington Fellowship chakatangwa naVaObama svondo rino chairo vange vari kuita bvunzo dzevanhu vachaenda pachirongwa ichi gore rino kunyange VaObama vanenge vasisipo.

Panyaya yekuGambia, VaThomas vati vanotsigira zviri kuitwa nesangano remubatanidzwa wenyika dzemuAfrica, ECOWAS vachiti munhu akakunda musarudzo anofanira kupinda muhofisi zvisina ganyabvu.

Vatiwo America inodawo kuona sarudzo dzakachena muDemocratic Republic of Congo.

VaThomas vashorawo mhirizhonga yezvematongerwo enyika kuBikita West uyewo vatiwo America nedzimwe nyika vari kutumira vanoongorora sarudzo kuBikita West nechinangwa chekuona kuti sarudzo dzaitwa zvakanaka.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG