Accessibility links

Breaking News

Kupindira kweMauto Munyaya dzeMatongerwo eNyika Kwoshorwa


VaDewa Mavhinga

Vanorwira kodzero dzevanhu vanoti kongiresi yakaitwa ne Zanu-PF haina zvizhinji zvekuyemura sezvo mubato iri machine makakatanwa.

Vanotiwo havasi kufara kuti mauto ari kubuda pachena kuti achange achitsigira Zanu-PF musarudzo.

Mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti hazvifadzi kuona munhu akaita semukuru wemauto, VaConstatino Chiwenga, nevamwe vakuru muchiuto vari pakongiresi yebato sezvo mauto achifanirwa kunge achimirira munhu wese.

“Mauto akabata chikamu chikuru, nevaimbove varwi verusununguko, ma War Veterans, ndivo vakanyatso kwidziridzwa pagungano re Zanu-PF rakaitwa muHarare,” VaMavhinga vaudza Studio 7.

Vatiwo zviri kuitwa neANC kuSouth Africa zvakasiyana nezviri kuitika muZimbabwe nekuti kuSouth Africa hauone musoja panenge pachiitwa misangano yezvematongerwo enyika.

Hurukuro NaVa Dewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG