Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kushandisa Mari Zvakanaka Kuti Hurongwa hweMafambisirwo eMari hweR-B-Z Hubudirire


Gavhuna veRBZ, Doctor John Panonetsa Mangudya.
Gavhuna veRBZ, Doctor John Panonetsa Mangudya.

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti dzinotambira nemufaro hurongwa hwemafambisirwo emari munyika hwakaparurwa nebhanga guru remunyika reReserve Bank of Zimbabwe, kunyange hazvo nyanzvi idzi dziri kuti hurongwa uhwu hunofanirwa kufambidzana nemashandisirwo emari nehurumende kuti hubudirire.

Gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya, neMuvhuro vakazivisa nezvehurongwa hwemafambisirwo emari hwavakati kwakanangana nekusunga mashandisirwo emari senzira yekuderedza inflation munyika.

Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara vanoti kunyange hazvo hurongwa uhwu hwakanaka, havaoni zvinangwa zvahwo zvichibudirira kana pachitariswa zvirongwa zvehurumende zvinoda mari mugore rino, zvinosanganisira sarudzo pamwe nemihoro yevashandi vayo.

Imwe nyanzvi yezvehupfumi vari nhengo yePolad, VaTrust Chikohora, vanotiwo kunyange hazvo hurongwa uhwu hwakagadzirisa zvinhu zvine chitsama zvanga zvichibata vanhu mukurarama kwavo zuva nezuva, zvakafanana nekuwedzerwa kwemari dzinokwanisa kutorwa kumabhanga nemunhu pasvondo, VaMangudya vaifanirwa kungoti munhu abvumidzwe kutora mari yaaanobvumidzwa pamwedzi chero nguva.

VaMangudya vakasungawo mwena wekuwanikwa kwemari yekunze kune vanotengesa mari yekunze kana kuti beruae de change, izvo vakati zvakanga zvave kushandiswa zvisizvo.

VaMangadya vakazopa mukana wekuwana mari yekunze iyi kune mapoka mashomashoma akaita sevari pamudyandigere, vanoda kurapwa kunze kwenyika pamwe nevanorarama nehurema.

Asi VaChikohora vanoti apa panoda kujekeswa kuti pachadzivirirwa kusashandiswa kwemukana uyu sei.

Vamwe vari kutambira nemufaro hurongwa hwemafambisirwo emari uhwu varimi vefodya nedonje, avo vave kubvumidzwa kuwana zvikamu makumi manomwe nezvishanu kubva muzana zvemari yekunze kubva muzvitengeswa zvavo, zvimwe zvikamu makumi maviri nezvishanu zvove zvemari yemunyika.

Mutungamiri werimwe sangano revarimi, re Zimbabwe Integrated Commercial Farmers' Union, Amai Mayiwepi Jiti, vanoti rwendo rwuno hurongwa uhwu hwakanzwawo zvichemo zvevarimi, asi vanoti zvakanga zvakanaka chose kuti varimi vapiwe mari yavo yose iri zvikamu zana kubva muzana sezvo vari kuzorasikirwa neimwe pari pakuchinja yavanenge vapiwa iri mumadhora emunyika.

Vamwe vakafadzwawo nehurongwa uhwu ndeavo vari muboka rezvekushanyirwa kwenyika, iro rakapiwa mukana wekuti richengete mari yose iri zvikamu zana kubva muzana zvemari yekunze yarinenge rawana.

Asi Doctor Chitambara vanoti dambudziko richiripo inyaya yekuti inflation yemunyika iri pamusoro zvakanyanya izvo zvichaita kuti mari dzinoberekwa kumabhanga kana kuti interest rates, dzinenge dziri pasi zvakanyanya izvi zvisingazokwezvi vanhu kuti vachengetera mari kumatura emari.

Kunyange hurongwa hwemafambisirwo emari uhwu huchinzi hune gwara rinenge ringangobatsira kusimudza hupfumi hwenyika kubva mumadhaka mahuri, dzimwe nyanzvi dziri kusarudza kumira dziri kure dzichiona kana huine pundutso dzichiti zvakawanda zvirongwa zvaparurwa neR-B-Z pamwe nehurumende zvinenge zvichiyevedza zviri pabepa asi zvichitadza kuzozadziswa muzviito.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG