Accessibility links

Breaking News

Paramende Inoudzwa Kuti RBZ Iri kuBhadhara Chikereti cheAfreximbank nemari yeGoridhe


Doctor John Mangudya vanouda paramende kuti RBZ iri kubhadhara chikwere cheAfrican Export and Import Bank nemari iri kubva mukutengeswa kwegoridhe.
Doctor John Mangudya vanouda paramende kuti RBZ iri kubhadhara chikwere cheAfrican Export and Import Bank nemari iri kubva mukutengeswa kwegoridhe.

Mukuru webhanga guru renyika reResever Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, vanoti bhanga renyika riri kubhadhara chikwereti charakatora kuAfrican Export and Import Bank che$641 richishandisa mari ichawanikwa kubva mukutengesa gwegoridhe mukati memakore mashanhu anotevera.

VaMangudya vaudza makomiti eparamende anoona nezvekushandiswa kwemari yehurumende, yePublic Accounts neyemari nebhajeti kuti nyika inowana mari inosvika mamiriyoni gumi nemashanu emadhora kana kudarika kubva mukutengwa kwegoridhe mwedzi wega uye mamiriyoni mashanu emadhora ndiyo chete inoshandiswa kubhadhara chikwereti ichi pamwedzi wega wega.

Asi sachigaro wekomiti yePublic Accounts, VaTendai Biti, vaudza VaMangudya kuti zviri kuitwa neRBZ zviri kunze kwemutemo uye paramende ndiyo inofanira kuvapa mvumo yekuita izvi.

Asi VaMangudya vati vanobvumidzwa nemutemo weReserve Bank Act kukwereta nekuita zvese zvinoita kuti nyika ikwanise kufambira mberi.

VaMangudya vati nyika ine dambudziko guru rekushaikwa kwemari yekunze ndosaka vari kukwereta kunze kuti vakwanise kutenga zvinhu zvakaita semafuta emotokari, magetsi nezvimwe.

VaMangudya vati vanoshamisika chose kuti nhengo dzeparamende dzinganetseke nekuti sei vari kukwereta kunze asi idzo dzichiziva kuti Zimbabwe iri pasi pezvirango zvehupfumi uye zvinonetsa kuti iwane mari yekunze sezvinoita dzimwe nyika.

Nhengo dzeparamende dzaratidzawo kusafara nekuti veruzhinji havasi kuwana mari yekunze kubva zvakatanga kutengeswa mari iyi mumabhanga masvondo matatu apfuura.

VaMangudya vati vane humbowo hunoratidza kuti pari kutengeswa mamiriyoni gumi nemaviri emadhora pasvondo rega rega.

Vatiwo nekuti mari iyi ishoma handi munhuwese anokwanisa kutenga mari iyi mubhangi asi vaye vanoita zvinhu zvinonzi zvakakosha.

Zvichakadai VaMangudya vazivisawo kuti varimi vefodya vachapihwa chimwe chikamu chemari yavo nemari yekunze pachishandiswa mitengo yeInter-Bank Rate iyo inoti dhora rimwe rekuAmerica rinoburitsa madhora maviri nechidimbu emaRTGS dollars.

Izvi hazvina kufadza nhengo dzerapamende idzo dzati dzioona sekuti uku kubira varimi sezvo pamukoto dhora rekuAmerica richiburitsa madhora mana eRTGS.

Mumwe asina kufara nenyaya iyi, mumiriri weGuruve South VaPatrick Dutiro veZanu PF vati vamirimi vari kuchena nenyaya iyi.

VaMangudya vati vanoona sekuti panovhurwa misika yefodya svondo rinouya zvinhu zvinenge zvashanduka uye vachataura nevarimi kuti vagadzirise nyaya iyi.

Zvichakadai VaMangudya vazivisa kuti kunyange hazvo kushaya simba kwemari yemuZimbabwe kuchidarika zvikamu makumi mashanu nechidimbu kubva muzana, pari zvino vanovimba kuti zvinhu zvichange zvave nani mukupera kwegore.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG