Accessibility links

Breaking News

Mafashamu eMvura Oparadza Zvivakwa muHarare


floods zimbabwe
floods zimbabwe

Meya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, vashanyira misha inogara vashoma yeBorrowdale neGlen Lorne, vachiona kuparadzwa kwakaitwa dzimba pamwe nemidziyo nemafashamu emvura yakanaya neChina muHarare.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti dambudziko remafashamu munzvimbo idzi rakanyanya kuwedzerwa nezvidziro kana kuti majuraworo, ayo ari kuputswa nemvura owira padzimba kana pamidziyo.

VaChideme vanoti zvidziro izvi zviri kupedzisira zvavhara nzira dzaisimbofamba nemvura kare, izvo zvinozoimanikidzira kupinda mudzimba yoparadza midziyo.

Kanzuru iri kuyambirawo vagari kuti vakasike kubuda mudzimba dzavo kana vangofungidzira kuti vatarisana nenjodzi.

Mvura yakawanda iri kunaya munyika yose, izvo zvinonzi zvave kuita kuti nzizi dzakawanda dzifashukire.

Vanhu vakawanda vanonzi vari kuyeredzwawo nemvura pamwe nekurohwa nemheni.

Boka rinoona nezvemamiriro ekunze re meteorological department rakatopawo yambiro yekuti mvura yakawanda ichanaya kutanga neMugovera, richikurudzira vanhu kuti vagare vakangwarira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG