Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vonyunyuta neMari Dziri kuBhadhariswa Vanoda Marezinesi eKutepfenyura


Hurumende inonzi yakatara mari dzakawandisa dzinonzi dzibhadharwe nevedzinhepfenyuro vanoda marezinesi.

Vanorwira kodzero dzekufambiswa kwemashoko kwakasununguka nekodzero dzevatori venhau vochema- chema nemari yemarezinesi ekutepfenyura yakatarwa nehurumende.

Muzviga zvakabudiswa nehurumende pasi pe Statutory Instrument 27 yegore rino nhepfenyuro dzenharaunda vanotarisirwa kubhadhara mari inosvika zviuru zvisere zvinezana remadhora kuti vakwanise kungonyorera kuti vanoda rezinesi iyo isingazodzoserwi kunyangwe vakashaya rezinesi iri. Pamusoro pemari iyi vanenge vabudirira vanozobhadharawo mari inosvika zviuru gumi nezvinomwe pagore rega rega kwemakore makumi erezinesi.

Avowo vachange vachida rezinhesi yekutepfenyura nhepfenyuro yenyika yese vanobhadhara mari yekutsvaka rezinesi iri inoita zviuru makumi mana nezviviri zvine mazana mashanu emadhora iyo isingadzorerwi zvakare.

Vanozobhadhara zvakare zviuru zana nemakumi maviri anezviuru zvinomwe nemazana mashanu kuti vakwanise kudaniwa kumusangano unouya veruzhinji kuti vatsanangure pamusoro penhepfenyuro yavo iyo isingadzorerwi zvakare vakasapiwa rezinenesi.

Vanoshandisawo madandemutande pakutepfenyura vanotarisirwawo kubhadhara kubhadhara mari inoraudzira miriyoni kana yahwerengedzewa zvese zvinodiwa

Mukuru weMedia Institute of Southern Africa- Zimbabwe VaTabani Moyo vati mari yakatarwa nehurumende iyi inotyisa zvakanyanya.

VaMoyo vati mutengo wakatarwa kunevanotepfenyura pamadandemutande we miriyoni imwechete yemadhora emuno vakadai sanaBus Stop TV vanonakidza veruzhinji, 263 Chat nevamwe vakawanda mucherechedzo wekuti hurumende inoda kuti masangano awa avhare.

VaMoyo vashoropodzawo mari dzakatarwa kuneavo vachange vachida marezinesi ekutepfenyura nhepfenyuro dzematunhu. VaMoyo vati havaoni veruzhinji vachikwanisa kubhadhara mari idzi vakati zvobva zvapa hurumende mukana wekuva iyo chete inogona kukokwikwidza kuwana marezinesi awa.

Izvi zvatsigirwa neimwe nyanzvi munezvekutepfenyura VaKudzai Kwangwari vati mari irikudiwa kunyanya kune avo vanenge vachizoda rezinesi yenhepfenyuro yenharaunda (Community Radio) yakawandisa.

VaKwangwari vanotiwo nekunetsa kurikuita zvinhu munyaya dzezvehupfumi nekudawo kwehurombo munyika havaoni nharaunda dzichizokwanisa kubhadhara marezinesi awa.

VaMoyo vatiwo mutemo urikugadzirwa weBroadcasting Services unoti kune avo vachazoda kuita bhizimusi rekutepfenyura munyika vanogona chete kuwana rubatsiro kana rutsigiro kubva kunze kwenyika hwezvikamu zvisingadariki makumi maviri kubva muzana izvo zvinoreva kuti mari zhinji yacho vanofanira kuzvitsvagira.

VaMoyo vati izvi zvinosiya veruzhinji vangade kutepfenyura kunze sezv vanenge vasina mari.

Kunyangwe zvazvo mumutemo uyu hurumende yakaisa mari yerezinhesi dzenharaunda, parizvino munyika hakuna vakambopihwa rezinesi dzemhando iyi izvo zvopawo vamwe kuti vafungidzire kuti hurumende ingangodaro yoda kuvhura masaisai.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuhurumende panyaya iyi asi munyori mukuru mubazi rezvekuudiswa kwemashoko VaNick Mangwana vanogaroti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa inechido chekuvhura masai sai pamwe nekuona kuti kodzero yenhau munyika yazadzikiswa.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG