Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inobudirira Kuenda ku2022 Afcon Mushure Mekunge Yakunda Botswana 1-0


Chikwata chenhabvu cheZimbabwe Warriors chichitamba nechikwata cheBotswana che maZebras. (VOA)
Chikwata chenhabvu cheZimbabwe Warriors chichitamba nechikwata cheBotswana che maZebras. (VOA)

Zimbabwe yakabudirira kuenda kumakwikwi eAfrica Cup of Nations zvichitevera kukunda kwayakaita Botswana nezuro manheru mumutambo wakaitirwa munhandare yeObed Itani Chilume Stadium muguta reFrancistown.

Vakomana vemaWarriors, avo vakanga vachikokerwa nechikomana chinotambira chikwata cheEupen kuBelgium, Knowledge Musona, vakadadisa nezuro manheru mushure mekuzviwanira nzvimbo kumakwikwi eAfcon ayo ichatambirwa kuCameroon gore rinouya.

Izvi zvinotevera chibodzwa chimwe chete chakanwiswa naPerfect Chikwende mushure memaminetsi gumi nemana.

Mushure mekuwana chibodzwa ichi, murairidzi wemaWarriors, Zdravko Lugarusic, akaramba ari pamutsetse achikurudzira vakomana vake kuti varambe vakaomesera Botswana.

Mutambo uyu wakapera Zimbabwe iine chibodzwa chimwe chete, Botswana isina kana chibodzwa, izvo zvakapa kuti Zimbabwe iite maponzi masere muGroup H, iri mushure meAlgeria, iyo ine mapoinzi gumi neimwe chete mushure mekuita mangange neZambia 3-3 nezuro manheru.

Mutambi wemaWarriors, Onismor Bhasera, uyo anotambira chikwata cheSuperSport United kuSouth Africa, anoti kuenda kuCameroon kuchabatsira vatambi vazhinji kuti vaonekwe nezvikwata zvikuru.

Chipangamazano cheZifa, VaWilson Mutekede, vanoti kuenda kuCameroon chinhu chinofadza kwazvo uye chiitiko ichi chichaita kuti mhuri yeZimbabwe imbokanganwa nematambudziko ari kuunzwa nechirwere cheCOVID-19.

VaMutekede vatiwo mutambo vavo neZambia nemusi weMuvhuro kuNational Sports Stadium uchavapa mukana wekugadzirira makwikwi eAfcon.

Muteveri wemaWarriors muBotswana, VaMandla Maphosa, vanoti vakafadzwa zvikuru nematambiro aita vakomana veZimbabwe.

Zimbabwe, iyo yapinda mumakwikwi eAfcon kechishanu kusanganisira rwendo rwuno, yakanyadzisa kumakwikwi e2019 Afcon muna 2019, ayo akaitirwa kuEgypt.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG