Accessibility links

Breaking News

Zvipatara Zvogadzirira Kudzivirira Coronavirus


Zimbabwe's biggest hospital, Parirenyatwa General, in Harare lookes deserted, Nov. 27, 2019, as patients were being turned away, after senior doctors joined a general strike.(Columbus Mavhunga/VOA)
Zimbabwe's biggest hospital, Parirenyatwa General, in Harare lookes deserted, Nov. 27, 2019, as patients were being turned away, after senior doctors joined a general strike.(Columbus Mavhunga/VOA)

Apo nyika iri mushishi rekugadzirira kudzivirira kuti chirwere cheCoronavirus chisapinde munyika, zvimwe zvipatara zvinoti zvave kutora matanho ekuchengetedza varwere, vashandi pamwe nevashanyi kuitira kuti vasabatwe nechirwere ichi.

Mutauriri weParirenyatwa Group of Hospital, VaLinos Dhire, vanoti kunyange hazvo chirwere cheCoronavirus chisati chapinda munyika, vave kutotora matanho pachipatara chavo ekuchengetedza vashandi nevarwere kuitira kuti vagare vakazvidzivirira kubva kuchirwere ichi.

VaDhire vati chipatara ichi chichange choshandisa magedhi maviri chete ekupinda pachipatara apa kuitira kuti vakwanise kunge vachiongorora vese vanopinda pachipatara apa kusanganisira kutora temperature dzavo.

VaDhire vatiwo vava kubvumidza vashanyi vaviri chete pamurwere mumwechete. Vatiwo vanhu vaviri chete ndivo vave kubvumidzwa kuperekedza murwere anenge aciuya kuchipatara cheParirenyatwa.

Studio 7 haina kukwanisa kuwana zviri kuitwa nechimwe chipatara chikuru chiri muHarare, cheSally Mugabe, sezvo vatange tanzi titaure navo, Dr Chris Pasi, vanga vachiti vari mumusangano wekuzeya matanho avachatora pakudzivirira chirwere ichi.

Mamwewo mahofisi mudhorobha reHarare atangawo kushandisa mishonga yekuchenesa maoko pavanhu vanopinda mumahofisi aya, kana vanoshandisa mahofisi aya senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCoronovirus.

Kunyange hazvo muiZimbabwe musati mabatwa munhu ane Coronavirus, vaimbove gurukota rezveutano muhurumende yemubatanidzwa, VaHenry Madzorera veMDC, vanoti zvakakosha kuti nyika iedze nepainogona napo kudzivirira kupinda kwechirwere ichi munyika.

VaMadzorera vakurudzirawo kuti hurumende iongorore zvakadzama vanhu vese vanobva kunyika dzine chirwere cheCoronavirus vanenge vachipinda munyika.

Vachiparura gwaro rekuti nyika yotora matanho api ekugadzirira kudzivirirwa kwechirwere cheCovid 19 nhasi muHarare, mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati ibasa remunhu wese munyika kudzivirira chirwere ichi.

VaMnangagwa vati nyika inofanirwa kudzivirira nepese painogona napo chirwere ichi sezvo munyika muine vanhu vakawanda vane hutano husina kumira zvakanaka izvo zvinovaisa panjodzi huru kuchirwere ichi.

Chirwere cheCoronavirus chakatanga kuChina muna Zvita gore rapera, uye chapararira munyika dzakawanda pasi rose.

Chirwere ichi chauraya vanhu vanodarika zviuru zvipfumbamwe pasi rose, uye vanhu vanodarika mazana maviri nemakumi maviri ezviuru vabatwa nechirwere ichi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG