Accessibility links

Breaking News

Zupco Inokwidza Mari Dzinobhadharwa neVanhu Kutanga neChina


 ZUPCO MASVINGO
ZUPCO MASVINGO

Vanhu vakawanda munyika vari kuchema chema zvikuru nekukwidzwa kwakaitwa mari dzavanobhadhariswa kana vachida kukwira mabhazi eZupco kutanga mangwana vachiti mari iyi yakawandisa.

Zupco yakazivisa neChipiri kuti kutanga mangwana, China, inenge yakwidza mari inobhadharwa nezvikamu zana kubva muzana, izvo vanhu vakawanda vari kuti zvichavaomera sezvo vasina mari nepamusana pekuoma kwakaita zvinhu munyaya dzehupfumi.

Parwendo rwaibhadharwa madhora makumi matatu mubhazi reZupco, munhu ava kudhadhara madhora makumi matanhatu, rwendo rwaibhadharwa madhora makumi mana nemashanu, rwava kuita madhora makumi mapfumbamwe, ukuwo rwendo rwaiita madhora makumi matanhatu, rwava kuita madhora zana negumi.

Vanoshandisa makombi eZupco, rwendo rwupfupi rwava kutangira pamadhora makumi masere, kubva pamadhora makumi matanhatu; ukuwo rwendo rwanga rwuchiita madhora makumi mapfumbamwe, rwava kuita madhora zana nemakumi maviri.

Mumwe wevanhu ava, VaAdmire Mufamba, vati Zupco yaomesera nekukwidza kwayaita mari panguva iyo vanhu vazhinji vakaomerwa
nehupenyu.

Mugari wemumusha weMucheke F kuMasvingo, Muzvare Melody Wachenuka, vashora kukwidzwa uku vachiti mafuta ekufambisa motokari
haana kukwidzwa nekudaro havaoni chikonzero chekuti kambani iyi
ikwidze mari dzinobhadharwa.

Muzvare Alaika Taimu vati vashandi vazhinji vachapedzisira voenda kubasa netsoka sezvo mari dzavanotambira dzisina kuwedzerwa.

Mushandi ane nzendo pfupi anenge oda zviuru zviviri nemazana matanhatu ane makumi mana emadhora pamwedzi, kana kuti 2 640 RTGS, ukuwo anoshandisa rwendo rurefu kuenda nekudzoka kubasa, anenge oshandisa mari inoita zviuru zvishanu nemazana maviri ane makumi masere emadhora kana kuti 5 280 RTGS.

Mukuru webasa musangano rinomirira vanofamaba nemadutavanhu munyika, rePassangers Association of Zimbabwe, VaTafadzwa Goliath, vati sangano ravo rinoshora zvikuru danho rakatorwa ne Zupco.

Kukwira kwemari idzi kunoitika apo sangano reConsumer Council of Zimbabwe rakazivisa kuti kusvika musi wa 09 Chikumi, mhuri ine vanhu vatanhatu yaida madhora zviuru makumi mana nemazana matanhatu ane makumi masere nemaviri, kana kuti RTGS $40 682.84, kuti ikwanise kurarama, inova mari yakawanda zvikuru zvichienzaniswa nemari inotambirwa neveruzhinji pamwedzi.

Mutauriri wekambani yeZupco, VaEvaristo Mugwadi, vati vange
vakabatikana kuti vatipe divi ravo asi vati vachapindura mibvunzo yedu izvo vasina kuita pataenda pamhepo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaFelix Mhona, sezvo nharembozha yavo yanga ichinetsa kubata.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG