Rimwe sangano rinomirira varairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti ranyora tsamba kugurukota rezvedzidzo VaCain Mathema, richikumbira kuti vasangane nechimbichimbi kuti vazeye nzira dzekudzivirira nadzo zvikoro kubva kuchirwere che coronavirus.
Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti kurudziro yavo huru kunaVaMathema ndeyekuti zvikoro zvivharwe uye pombomiswa kuungana kwevanhu mumitambo nezvimwe kuitira kuchengetedza vana nevarairidzi kubva kuchirwere chanetsa pasi rose ichi.
VaMajongwe vanoti kunyange hazvo Zimbabwe isati yave nemunhu anozivikanwa ati abatwa chirwere ichi, zvakakosha zvikuru kuti nyika itore matanho ekudzivirira kupararira kwacho sezviri kuitwawo nedzimwe nyika dzakaita seSouth Africa, iyo yave nevanhu vanodarika makumi manomwe vabatwa ne coronavirus.
"Chokwadi ndechekuti hapana asiri kuona kuti coronavirus iyi yasvika mudhuze nemusha wedu, ndicho chekutanga. Chepiri ndechekuti dzimwe dzakatipoteredza dzatotora matanho ekuti zvikoro nema public gatherings ngazvimbovharwa nepamusana pekuti zvirwere izvi zvakadzima zvapinda muvana vedu tinogona kunge tatozvisikira moto muziso," VaMajongwe vanodaro.
Studio 7 yakundikana kunzwa kubva kugurukota rezvedzidzo VaMathema kana vatambira tsamba yePTUZ iyi.
Asi VaMajongwe vanoti zviri nani kudzivirira chirwere pane kuzonetseka nekuchirapa pachitariswa mamiriro akaita zvinhu muzvipatara zvemunyika.
Facebook Forum