Accessibility links

Breaking News

PTUZ Inoti Varairidzi Vachenge Vachishanda Zuva Rimwe Chete paSvondo


VaTakavafira Zhou

Sangano rinomiririra varairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ), rinoti mari yakapiwa vashandi vehurumende senzira yekuvabatsira, yakatopera isati yatambirwa mushure mekunge hurumende yakwidza mutengo wemafuta ekufambisa dzimotikari.

Mutungamiri wesangano iri, Doctor Takavafira Zhou, vaudza Studio7 kuti varairidzi vari musangano ravo vachange vachingoshanda zuva rimwe chete, reMuvhuro, pasvondo kusvika nyaya yemihoro yevarairidzi yagadziriswa.

Doctor Zhou vashora gurukota rinoona nezvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavhima, pamwe chete negurukota rinoona nezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vachiti havasi kumboteerera zviri kutaurwa nevashandi.

Studio7 haina kukwanisa kubata makurukota aya kuti tinzwe divi ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG