Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vanoita Musangano Pamusoro Pekuramwa Mabasa


Dr Takavafira Zhou
Dr Takavafira Zhou

Rimwe remasangano anomiririra varairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti matunhu matanhatu esangano ravo akabvumirana kuti kana pasina mari inemusoro inopamidzirwa varairidzi pakupera kwemwedzi uno, nhengo dzesangano ravo dzirikuzoramwa mabasa.

Mutungamiriri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vaudza Studio 7 kuti mamwe matunhu esangano ravo arikuita misangano mangwana, Chipiri, kuti vakurukure nezve kuramwa mabasa.

VaZhou vati, zvinenge zvabuda mumisangano iyi pamwe chete neyakatoitwa ndizvo zvichatevedzerwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG