Accessibility links

Breaking News

Matunhu Ose Ave neNhomba yeCovid-19 Vanhu Vachitanga Kubayiwa neMuvhuro


Sinopharm COVID-19 vaccine donated by the Chinese government. (Photo: Rutendo Mawere)
Sinopharm COVID-19 vaccine donated by the Chinese government. (Photo: Rutendo Mawere)

Mishonga yenhomba inodzivirira chirwere cheCovid-19 yakabva kuChina yaendeswa kumatunhu ari munyika yose kuitira kuti vanhu vatange kubayiwa mumatunhu uyo kutanga nemusi weMuvhuro, panguva iyo vanhu vakawanda vari kuti vanoda kutanga vanzwisisa nezvemushonga uyu vasati vabayiwa nhomba.

Vachitaura pakupihwa kwemajekiseni enhomba anosvika zviuru gumi
nechimwe chete nemazana masere kana kuti 11 800 kunyange vanga
vakatarisira nhasi kutambira zviuru gumi nezviviri mudunhu reMashonaland West, mukuru mubazi rezvehutano mudunhu, Dr Gift Masoja, vati vachatanga kubaya nhomba neMuvhuro.

Dr Masoja vati muchikamu chekutanga vachabaya vanamukoti, mapurisa,
masoja vashandi vemumajeri pamwe nevatori venhau.

VaMasoja vati kuti munhu abayiwe nhomba, anofanirwa kutanga
awongororwa kuti haana chirwere cheCovid-19 here kana kuti kwete, uye
vose vanorwara nezvimwe zvirwere zvakaita sechirwere cheshuga,
neHigh Blood Pressure nezvimwe zvirwere vasiri pamishonga, havabayiwe nhomba yeSinopharm.

Dr Masoja vati sezvinokurudzirwa nebazi rezvehutano pasi rose reWorld Health Organisation, vanhu vari pasi pemakore gumi nemasere pamwe nevane makore anodarika makore makumi matanhatu, havabayiwe
nhomba iyi.

Asi izvi zvinopesana nezvakaitika nemusi weChina apo gurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga, avo vane makore anodarika makumi matanhatu, vakabayiwa nhomba iyi.

Dr Masoja vati vanhu vanofanirwa kuramba vachitevedzera mitemo yekuzvidzivirira kunyange vakabayiwa nhomba iyi.

Mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vati
hurumende haifanirwe kuita rusarura panyaya yekurwisa chirwere
cheCovid-19.

Vati hurumende inofanirwa kutevedzera zvinotaura World Health Organization kuti "tese tiri panjodzi kana mumwe munhu ari panjodzi."

Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vaimbove gurukota rezvehutano
muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vanoti sezvo nhomba iyi iri kumboedzwa kuti inotishandira here muno munyika, zvakakosha kuti kutangwe kubyiwa vanhu vane hutano hwakasimba.

Hatina kunzwa kuna VaChiwenga, sezvo nharembozha yavo yanga ichinetsa kubata.

Asi mutevedzeri wavo, Dr John Mangwiro, vanopesana nemashoko aDr Masoja vachiti vanorwara nezvimwe zvirwere zvakaita segomarara, shuga kana hypertension vanogona kubayiwa nhomba.

Zvinonzi munhu anofanirwa kubayiwa nhomba iyi kaviri, kamwe kacho
masvondo maviri kana matatu mushure mekubayiwa kekutanga.

Nezuro, hurumende yakazivisa kuti vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pachiuru nemazana mana nemakumi maviri, 1420.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose vava zviuru makumi matatu nezvishanu nemazana mashanu nemakumi mana nevatatu, 35543.

Vanhu vachiri kurwara nechirwere ichi munyika yose vava zviuru zviviri nemazana matatu nevaviri, kana kuti 2302.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG