Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inopikisa Kuti Chikowore naTakawira Vapihwe Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


Paul Nyathi -Police

Vatori venhau Frank Chikowore naSamuel Takawira avo vakasungwa neChishanu vachipomerwa mhosva yekuramba kuterera mapurisa vamiswa pamberi pedare ramajisitereti kuMbare nhasi.

Asi dare iri rati richapa mutongo nemusi weChipiri svondo rinouuya pachikumbiro chavo chekuti vabhadhare mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba.

Vaviri ava vaendeswa kuHarare Remand Prison uko vachange vari kusvika nemusi weChipiri apo pachanzikwa chikumbiro chavo.

Chikowore naTakawira vakasungwa neChishanu vari pabasa kuchipatara chiri kurapwa nhengo dzeMDC nhatu dzinosanganisira mumiriri weHarare West muparamende, Muzvare Joana Mamombe, vachinzi vakatyora mutemo une chekuita nekudzivirwa kwechirwere cheCovid-19, Statutory Instrument 83 of 2020.

Rimwe remagweta ari kumirira vaviri ava, VaPaidamoyo Saurombe, vaudza Studio7 kuti vaviri ava van kodzera kuti vabhadhare mari yechibatiso sezvo vaive pabasa uye vasina kumbopara mhosva.

Asi muchuchusi panyaya iyi, VaTerence Mukuze, vapikisa kuti vaviri ava vabhadhare mare yechibatiso.

Mushure mekunzwa kubva kumagweta evaviri ava, dare rati richapa mutongo waro nemusi weChipiri pamusoro pechikumbiro chaChikowore naTakawira.

Nguva pfupi yapfuura dare repamusoro rakapa mutongo wekuti vatori venhau vanoita basa rakakosha zvikuru pakudzivirira kupararira kwe coronavirus nekudaro vanofanira kuita basa ravo kunyange nyika yakavharwa senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

VaSaurombe vati mutongo weHigh Court uri pachena kuti vatori venhau vanofanira kuregwa vachiita basa ravo.

Sachigaro wechikamu chemuHarare cheMedia Institute of Southern Africa –Africa, VaGarikai Chaunza, vaudza Studio7 kuti zvinosuwisa kuti vatapi venhau vari kuramba vachishungurudzwa munyika.

Munyori musangano revatapi venhau vechidiki, reYoung Journalists Association, VaLeopold Munhende, vaudza Studio7 kuti sangano ravo harisi kufara nezviri kuitika.

Baba veimwe nhengo yeMDC iri pachipatara pakasungirwa Chikowore naTakawira, Muzvare Cecilia Chimbiri, VaHenry Chimbiri, avo vakaona vaviri ava vachisungwa vaudza Studio7 kuti zvakaitwa nemapurisa kuda kutyityidzira vamwe vatapi venhau kuti vasaende pachipatara ichi pamwe nekunyora nekutepfenyura nyaya yekushungurudzwa kwenhengo nhengo dzeMDC idzi.

Pane vatori venhau vanodarika gumi nevashanuvakabatwa kana kushungurudzwa nemapurisa nemasoja kubvira pakavharwa nyika senzira yekudzivirira kupararira kwe coronavirus.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG