Accessibility links

Breaking News

Anti-Corruption Trust of Southern Africa Yotambira Hurongwa hweKuongororwa kweHuwori muVachuchisi


Muchuchisi mukuru wenyika, VaKumbirai Hodzi vakazivisa kuti vashandi vachaongororwa mawaniro avakaita hupfumi hwavainahwo.
Muchuchisi mukuru wenyika, VaKumbirai Hodzi vakazivisa kuti vashandi vachaongororwa mawaniro avakaita hupfumi hwavainahwo.

Sangano rinorwisana nehuwori kuchamhembe kweAfrica, reAnti-Corruption Trust of Southern Africa, rinoti rinotambira nemufaro hurongwa hwemuchuchisi mukuru wenyika, kana kuti Prosecutor-General, VaKumbirai Hodzi, hwekuti vachuchisi vese vemunyika vari pasi peNational Prosecution Authority vaongororwe mararamiro avo senzira yekurwisana nehuwori.

VaHodzi vakaudza nhepfenyuro yeZBC kuti hurongwa uhwu huchaita kuti vachuchisi pamwe nevamwe vashandi vekumahofisi evachuchisi vaongororwe hupenyu hwavari kurarama kuti huonekwe kana huchienderana nemari dzemihoro dzavanotambira.

Vanenge vaonekwa kuti hupenyu hwavo hahusi kuenderana nemihoro yavo vanonzi vanofanirwa kutsanangura kuti vakawanepi mari dzekuve nepfuma dzinenge dzichiongororwa idzi, kukundikana kwavo kutsanangura voendeswa kumatare edzimhosva, uye pfuma yotorwa nehurumende.

VaHodzi vari kukurudzirawo veruzhinji kuti vashande nehofisi yavo vachiiruma nzeve kana pane vashandi vanenge vachiita zvehuwori vavanooziva.

Hurumende iri kuferefeta huwori kuvashandi vemapoka akasiyanasiyana senzira yekurwisana kwainoti iri kuita nehuwori, asi vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti hurumende inenge iri kunyanya kusimbirira kusunga vechimwe chipoka cheZanu PF kana vebato rinopikisa reMDC Alliance, zvikuru vari kumakanzuru.

Asi mukuru weAnti-Corruption Trust of Southern Africa, VaObert Chinhamo, vanoti sesangano vanotarisira kuti rwendo ruwno hurumende ichaita sekutaura kwayo sezvo aka kasiri kekutanga kuti izivise kuti yave kuongorora mararamiro evashandi vekumatare edzimhosva asi pasina chainozobuda.

Zvichakadaro, vanhu vanofungidzirwa kuti imbavha vanonzi vakapaza nekupinda muhofisi yasachigaro veZimbabwe Anti-Corruption Commission, ZACC, Justice Loice Matanda Moyo iri kuMt. Pleasant mukupera kwesvondo.

Bepanhau reHerald rinoti Justice Matanda Moyo vatenda kuti hofisi yavo yakapazwa uye mapurisa ari kuferefeta kana paine zvinokosha zvingadai zvakabiwa muhofisi iyi.

Sangano reZACC riri kurwisana zvakasimba nehuwori munyika kuburikidza nekusunga vanhu vari kupomerwa mhosva dzehuwori.

Hurukuro naVaObert Chinhamo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG