Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau ari Mudzidzisi wezveNhau ane Mukurumbira Peter Banga Anoshaya


Peter aidzidzisa zvidzidzo zvekutapa nhau uye yaive nyanzvi mukutepfenyura.

Mutori wenhau ane mukurumbira uye anga vari mudzidzisi wezvidzidzo zvekutapwa kwenhau pachikoro chepamusorosoro cheHarare Harare Polytechnic, Peter Banga ashaya. ​

Banga, uyo akashandirawo nhepfenyuro yeZBC nenhepfenyuro yeVoice of America, anonzi awanikwa ashaya neChishanu mangwanani akarara.

Hanzvadzi yaBanga, Amai Amanda Murorera vati, Banga anga achirwara nechirwere che High Blood Pressure.

Amai Murorera vati Banga anga ari munhu ane rudo zvikuru uye asiya vana vatatu.

Mutori wenhau Godwin Mangudya, uyo akashanda naBanga kwenguva ndefu ati Banga munhu anga achibata basa zvakanakisisa uyewo achinyora nyaya dzevanhu vairarama nehurema zvakanyanya. Mangudya ati vatori venhau varasikirwa zvakanyanya.

Mumwe mutori wenhau Andrew Kunambura ati vatori venhau pamwe nevadzidzi varasikirwa zvakanyanya. Ati Banga anga ari nyanzvi mukudzidzisa

VaAlexander Rusero vaishanda naBanga vati varasikirwa nemunhu anga aine hunyanzvi hwekudzidzisa zvekutepfenyura nhau.

Hurongwa hwekuradzikwa kwaBanga hausati wazivikanwa asi vari kutarisira kunoradzikwa kuHwedza.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG