Accessibility links

Breaking News

America Inocherechedza Zuva reThanksgiving


Magarukuni ndiwo anonyanya kudyiwa pazuva reThanksgiving muAmerica

Nhasi mhuri yemuAmerica iri kubatana pazororo rekutenda kana kuti Thanksgiving Holiday iro rakatanga kucherechedzwa muna 1621 senzira yekumbotura befu nekutenda maropafadzo egoho rakanaka kana vanhu vachinge vapedza kukohwa. Kunze kweAmerica, nyika yayakavakidzana nayo yeCanada inewo tsika yekukoshesa zororo iri.

MuAfrica, Liberia inocherechedzawo zuva iri. MuAmerica zororo iri ririko muvhiki rechitatu remuna mwedzi waMbudzi uri musi weChina. Kare vanhu vainguna nehama neshamwari vachidya zvinhu zvakaita senyama yegarikuni, bhatatisi nezvimwe.

Asi mukore uno kunze kwekudya, vanhu vave kushandisa zororo iri senguva yekutengawo zvinhu muzvitotoro sezvo zvinenge zvaderedzwa mutengo.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha vanodzidzisa paDevry University kuOhio vanoti macherechedzerwo ezuva iri muAmerica anoita kuti vafunge zvaimboitwa kuZimbabwe nguva dzeKisimusi negore idzva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG