Accessibility links

Breaking News

Muzvinafundo Callistus Ndlovu Vanoradzikwa Zvine Mutsindo kuHeroes Acre


Professor Callistus Ndlovu vachichengetwa paNational Heroes Acre muHarare.
Professor Callistus Ndlovu vachichengetwa paNational Heroes Acre muHarare.

Vanga vari nhengo huru yeZanu PF, Professor Callistus Ndlovu, varadzikwa zvine mutsindo kuNational Heroes, mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachishora mhirizhonga yakaitika kuHarare South svondo rapfuura vachiti vanhu vanofanira kutevedza mabasa akanaka emushakabvu, avo vaida runyararo nekuti vanhu vagare zvakanaka.

Vachitaura pakuvigwa kwaVaNdlovu, VaMangagwa vati vanhu vemuZimbabwe vanofanirwa kubatana, uye vachishanda pamwe chete kuchengetedza runyararo rwakaunzwa naVaNdlovu nemamwe magamba akarwira rusununguko.

Vatiwo hururmende yavo haisi kuzopa mukana kune avo vanoda kukonzera mhirizhonga munyika.

VaMnangagwa vashora vanhu vakakonzera mhirizhingo kuHarare South vakapfeka mbatya dzebato ravo reZanu PF vachiti vanhu ivavo vacharangwa zvakaomarara.

Mutevedzeri wenyori wevechidiki muZanu PF, VaLewis Matutu, vatambira mashoko emutungamiri wenyika ekuti vanhu vagare murunyararo uye vashorawo zvakaitika kuHarare South vachiti zvakakonzerwa nenhengo dzebato rinopikisa reMDC Alliance.

Asi mutauriri weMDC Alliance, VaJacob Mafume, vaudza Studio7 kuti MDC Alliance hainei nekurwisana kuri kuitwa muZanu PF uye vati nhengo dzebato ravo hadzishandise mbatya dzeZanu PF.

Vati zviri pachena kuti zvinhu hazvin kumira zvakanaka muZanu PF kuHarare South kubva pasarudzo dzemaPrimary ebato iri zviri kupa kuti nhengo dzaro dzigare dzichirwisana.

VaMnangagwa vakurudzirawo vechidiki kuti vadzidze kubva kuna mushakabvu Ndlovu, nekupinda mizvirongwa zvekusimudzira nyika munyaya dzehupfumi.

Vati muzvikoro zvepamusoro ndimo munofanira kubva nyanzvi ndinotungamira hurongwa kwekusimudzira maindasitiri nehupfumi izvo zviri kupa kuti hurumende yavo itsigirire zvikoro izvi.

KuHeroes Acre kwanga kwakazara masoja zvakanyanya nhasi apo VaMnangagwa vanga vachitaura.

VaNdlovu vakashaya musi wa13 Kukadzi kuSouth Africa vave nemakore makumi masere nematatu.

Vakadzidza muZimbabwe nyika isati yawana kuzvitonga, kuLesotho nekuAmerica.

VaNdlovu vakatanga zvematongerwo enyika kuma1950s vakave nehengo dzemapato akaita seNational Democratic Party, ZAPU neZanu PF.

Vakabata zvigaro zvakawanda mudare remakurukota ehurumende yeZimbabwe vakavewo nhengo yematare eparamende eNational Assembly neSenate.

Muna 1988, VaNdlovu mumwe wevakuru vakuru muZanu PF vakanzi vakaita zvehuori hwekutenga nekutengeswa kwemotokari hwakaburitswa nevaive mupepeti weChronicle, VaGeoff Nyarota nemutevedzeri wavo, VaDavison Maruziva.

Nyaya yeWillowgate scandal yakaita kuti mutungamiri wenyika panguva iyi, VaRobert Mugabe, vagadze komisheni yakaferefeta huori hwakanga hwaburitswa nebepanhau reChronicle.

Asi vose vakanga vaita zvehuori vakaregererwa naVaMugabe, izvo zvakasiya vanhu vakawanda vasingafare.

VaNdlovu ndivo vange vari sachigaro weZanu PF mudundu reBulawayo.

Mune imwewo nyaya, vaimbove mupepeti webepanhau reSunday Mail, VaEdmund Kudzayi, avo vakasungwa nezuro vamiswa pamberi pedare ramejisitireti muHarare nhasi vachipomerwa mhosva yekuwanikwa vaine mbatya dzechiuto.

VaKudzai vawanikwa vaine Ambrella ine rudzi rwembatya dzemauto mumotokari mavo.

VaKudzayi vabhadhara zana remadhora semari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba kwavo uye nyaya yavo ichadzoka mudare musi wa 8 Kurume.

VaKudzayi vange vachimiririrwa naVaObey Shava veZimbabwe Lawyers for Human Rights.

Zvichakadai, vaive mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kuita mhembererero dzekusvitsa makore makumi mapfumbamwe nemashanu ekuzvarwa kumba kwavo kuBlue Roof kuBorrowdale muHarare muchiitiko chiri kupindwa nevemhuri nevakakokwa chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG