Accessibility links

Breaking News

Zvipatara Zvakazvimirira neMakiriniki Akazvimirira Zvopihwa Mvumo yeKubaya Vanhu Nhomba yeCovid-19


Sinovac Covid-19 coronavirus vaccine.
Sinovac Covid-19 coronavirus vaccine.

Nyanzvi munyaya dzehutano dziri kurumbidza danho rehurumende rekuti makirinika nezvipatara zvisiri zveveruzhinji zvitange kubaya nhomba yeCovid-19 sezvo zvichibatsira mukuwedzera huwandu hwevanhu vanobaiwa nhomba idzi munyika.

Munyori mubazi rezvehutano, VaJasper Chimedza, vaudza makirinika nezvipatara izvi kuti zvichange zvichipiwa nhomba pamwe nezvekushandisa nehurumende.

Vachitsanangura mutsamba yavanyora, VaChimedza vatiwo muzvipatara zvisiri zveveruzhinji izvi, madhokotera achabvumidzwa kubhadharisavanhu madhora emuno mazana mana nemakumi matatu nemana ane masendi makumi matatu nemashanu ($434.35).

Ukuwo vana mukoti vachabaya vachabhadharisa vanhu madhora emuno mazana maviri nemakumi maviri ane masendi makumi matanhatu nemana ($220.64). Vatiwo hapana anobvumidzwa kubhadharisa vanhu mari inodarika yatarwa nehurumende.

Imwe nyanzvi yezvehutano,uye vari nhengo yeparamende inomirira Chinhoyi, Dr Peter Mataruse, vaudza Studio 7 kuti danho iri rinogona kuwedzera huwandu hwevanhu vachabaiwa nhomba.

Mutungamiri weZimbabwe Nurses Association, VaEnoch Dongo, vatiwodanho iri richabatsira kuti Zimbabwe ikurumidze kubaya nhomba vanhu vakawanda.

VaDongo vati vanamukoti muzvipatara zvehurumende nemakirinika ekanzuru vashoma nekuda kwemari dzemihoro vakati izvi zvange zvichidzorera shure huwandu hwevanhu vaigona kubaiwa pazuva. Vatiwo danho iri richabatsira kuti munzvimbo dzinobaiwa nhomba musanyanyounganwa zvakanyanya.

Asi VaDongo vayambira hurumende kuti inofanirwa kutora matanho akasimba ekuona kuti nzvimbo idzi hadzizowedzeri mari yavanobhadharisa pamwe nekuona kuti nhomba yeCovid-19 haizotangi kushaikwa kuzvipatara zveveruzhinji uko vanhu vari kubaiwa pachena.

Nyanzvi mune zvehutano, uye vari munyori wezvehutano muMDC Alliance, Doctor Henry Madzorera, varumbidzawo danho iri vachiti chitsvambe chinodzokera zvakare kuhurumende kuti itenge nhomba dzakawanda.

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vachitambira nhomba mamiriyoni mavirieSinoVac nguva pfupi yapfuura, vakaudza vatori venhau kuti hurumende ichateverera zvipatara zvisiri zveruzhinji zviri kutengesa nhomba kuti mari idzokere muhomwe yehurumende.

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu makumi manomwe nevashanu vakafa nechirwere cheCovid-19, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pazviuru zviviri nemazana matanhatu nemakumi mapfumbamwenevanomwe 2697.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose vave zviuru makumi masere nezvishanunemazana manomwe nemakumi matatu nevaviri, 85,732, zvichitevera kubatwa kwevanhu zviuru zviviri nezana negumi nevatatu2113 nezuro wakare.

Kusvika nezuro, hurumende inoti vanhu vabaiwa nhomba yekutanga vakange vave miriyoni imw echete neziuru zana makumi masere nezvina nemazana mana nemakumi matatu nevashanu, 1 184,435

Vanhu vabaiwa nhomba yepiri vave zviuru mazana matanhatu nemakumi mana nezvitatu nemazana maviri nevatatu, 643203

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhutu kubva muzana kuitira kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG