Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheCovid-19 Chonetsa Mumajeri


Zimbabwe Prisoners

Bazi rinoona nezvekuchengetwa kwevasungwa mumajeri reZimbabwe Prisons and Correctional Services, ZPCS, raramba kuzivisa huwandu hwevasungwa vakabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika panguva iyo vane ruzivo nezviri kuitika mumajeri vari kuti dambudziko reCovid-19 ranetsa zvikuru mumajeri ari munyika.

Vakafanobata chigaro chemutauriri weZPCS munyika, VaPeter Chaparanganda, avo vakanga vavimbisa kutipa huwandu hwevasungwa vane chirwere cheCovid-19, vadududza nhasi vachiti tipihwe nachiremba mukuru wemajeri, Dr Evidence Gaka.

VaChaparanganda varamba kutipa nhamba dzaDr Gaka vachiti vanoda
kutanga vataura navo asi vazodzima foni yavo vasati vatipa nhamba
dzacho.

Asi svondo rakapera Dr Gaka vakaudza bepa nhau reHerald kuti vari
kushushikana nehuwandu hwevasungwa vari kubatwa mumajeri nechirwere cheCovid-19 vachiti muChinhoyi vasungwa gumi nevatatu vainge vabatwa nechirwere ichi.

Mutauriri weZPCS mudunhu reMashonaland West, VaPeter Kondowe,vati
mumwe musungwa abatwa nechirwere cheCovid-19 zvakwidza huwandu kusvika pagumi nevana.

Kunyange nzvimbo inochengeterwa vasungwa muChinhoyi iine vasungwa gumi nevana vabatwa nechirwere cheCovid-19, vashandi vepo vanoti huwandu uhwu hunogona kunge hwuri pamusoro sezvo manhamba evasungwa vanenge vabatwa nechirwere ichi asingaziviswe kune vashandi vose.

Kusaburitswa kwemanhamba kunonzi kwakamboita kuti vamwe vashandi
varambe kukwira motokari imwechete nevasungwa kuenda kumatare
edzimhosva vachiti vanofamba netsoka sezvo pari pedyo vachityira
kutapurirana chirwere cheCovid-19.

Asi zvinonzi vakazokwira motokari imwechete mushure mukunge vashandi
vayambirwa kuti vakatizwa nevasungwa vachaiswa panguva yakaoma.

VaKondowe vati vanofunga kuti huwandu hwevasungwa vari kubatwa
nechirwere ichi hwakawanda muChinhoyi nekuda kwekuti matare
edzimhosva ekuKaroi akambovharwa vasungwa vakawanda vakaendeswa
kuChinhoyi.

Panyaya yenhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19, VaKondowe vati
vasungwa, vanochengeta vasungwa, pamwe nemhuri dzavo vanosvika makumi mashanu nevana vakabayiwa nhomba pazororo reEaster chete.

Pajeri reMutimurefu rekuMasvingo zvinonzi kune vasungwa makumi manomwe nevasere vakabatwa chirwere cheCovid-19 masvondo maviri akapfuura.

Zvinonzi mujeri reRemand muHarare vasungwa vakawanda vari kurwara
nechirwere cheCovid-19 zvekuti vaimbove meya weguta reHarare, VaJacob Mafume, vakabata chirwere ichi pavakambosungwa vakaendeswa kuremand mwedzi mishoma yapfuura.

Mukuru wesanganore Zimbabwe Association for Crime Prevention and
Rehabilitation, VaEdison Chihota, vati vari kushushikana
nevasungwa vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 vachiti hurumende
inofanirwa kuburitsa vamwe vasungwa sezvayakavimbisa.

VaChihota vati vasungwa vanofanirwa kubayiwa nhomba nekukurumidza
sezvo vachipinda nekubuda nguva dzose mujeri.

Izvi zvinotsigirwa nevaimbove gurukota rezvehutano, Dr Henry Madzorera,
avo vanoti vasungwa vanopara mhosva diki vanofanirwa kubhadhariswa
fayindi uye kuti vasungwa vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba.

Hurumende yakazivisa kuti pane vasungwa vanosvika zviuru makumi maviri nezviviri kana kuti 22 000 mumajeri anofanirwa kunge ayine vasungwa zviuru gumi nezvisere kana kuti 18 000.


Tatadza kubata gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, kuti tinzwe kuti
danho rehurumende rekudzikisa huwandu hwevasungwa mumajeri richaitwa riini.


Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu zviuru zvitanhatu nezana
nemakumi mashanu nevanomwe kana kuti 6157 vakabayiwa nhomba yekutanga nezuro izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabayiwa nhomba yekutanga pazviuru zana nemakumi maviri nezvitatu zvine mazana mana nemakumi mashanu nevana kana kuti 123 454.

Bazi iri rakazivisawo kuti nezuro hapana munhu akafa nechirwere
cheCovid-19 izvo zvakaita kuti vanhu vafa nechirwere ichii varambe vari
chiuru chimwechete nemazana mashanu nemakumi maviri nevashanu kana kuti 1525.

Vanhu gumi nemumwe chete vakabatwa nechirwere ichii
nezuro izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabatwa nechichere cheCovid-19 pazviuru makumi matatu nezvitanhatu nemazana mapfumbamwe nemakumi matatu nevana kana kuti 36 934.

Vanhu vachiri kurwara nechirwere ichi vava mazana matanhatu nemakumi
mashanu nemumwechete kana kuti 651.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG