Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Mashonaland West Yokurudzira Kuti Amai Mupfumira Vadzingwe muParamende


Vaive gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, uye vari seneta veMakonde muparamende, Amai Priscah Mupfumira vachisvika padare.
Vaive gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, uye vari seneta veMakonde muparamende, Amai Priscah Mupfumira vachisvika padare.

Bato reZanu PF mudunhu reMashonaland West rasunga kuti seneta veMakonde uye vaive gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Amai Priscah Mupfumira, vasiye chigaro chavo muparamende pamwe nekuti vaburitswe mu central committee yebato, zvichitevera kusungwa kwavakaitwa mwedzi wapera vachipomerwa mhosva yehuwori kukambani yeNSSA.

Sachigaro wevechidiki mubato reZanu PF kuMashonaland West, VaVengai Musengi, vanoti zvichitevera musangano wehutungamiri hwedunhu weProvincial Coordinating Committee, waitwa masikati muChinhoyi, vaona zvakakodzera kuti vanyorere kuPolitiburo yebato ravo vachiizivisa nezvedanho iri.

VaMusengi vanoti sedunhu vamirira kunzwa kuti Politiburo ichati kudii nechikumbiro chavo.

Vanotiwo kunyange hazvo Amai Mupfumira vasati vawanikwa vaine mhosva nematare edzimhosva, vaona zvakakodzera kuti vavasiise zvigaro zvavanazvo mubato, sezvo kupomerwa mhosva ikoko kuchisvibisa zita rebato.

Danho redunhu reMashonaland West iri rinouya panguva iyo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vachangobva kudzinga Amai Mupfumira pachigaro chegurukota rezvekushanyirwa kwenyika svondo rapera.

Amai Mupfumira vari kupomerwa mhosva nomwe dzekuita zvehuwori kuNSSA vachishandisa masimba avo pavaive gurukota rezvevashandi nemabasa, izvo zvinonzi zvakaita kuti kambani iyi irasikirwe nemari inodarika mamiriyoni makumi mapfumbamwe emadhora emari yekuAmerica.

Amai Mupfumira vachakamirira kutongwa kwavo panyaya nomwe dzavari kupomerwa, uye vakamirirawo kunzwa kuti chikumbiro chavo chekuti vabvisiswe mari yechibatiso chichanzi kudii nedare repamusoro.

Hurukuro naVaVengai Musengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG