Accessibility links

Breaking News

Vamwe muMDC-T yaVaChamisa Voronga Kukwikwidza Vakazvimirira kuMas West


Some of the people who attended the People First meeting in Chinhoyi, Mashonaland West province. (Photo: By Arthur Chigoriwa)

Dzimwe nhengo dzebato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa dzakakundwa kana kurambidzwa kukwikwidza musarudzo dze primary elections dzinoti dziri kupinda musarudzo dzemwedzi unouya dzakazvimirira.

Vatsigiri veMDC-T vanosvika gumi nevaviri vaswera pamapurisa muChinhoyi vachigadzirisa mapepa anoratidza kuti havasi vapari vemhosva sezvinodiwa nemutemo wesarudzo.

Imwe nhengo iri kuda kukwikwidza yakazvimirira, VaNicholas Phiri vemuwadhi 9, vati bato ravo rakavarambidza kukwikwidza musarudzo pasina zvikonzero.

VaPhiri vati sarudzo hadzina kuitwa mumawadhi akawanda nekuda kwekusarudzirwa vamiriri nevakuru vebato.

Mumwe wevari kuda kukwikwidza vakazvimirira ndiVaTaperesa Shumba vekuWadhi 10, avo vati mapepa avo ekuda kukwikwidza avakaendesa kumahofisi ebato haana kupindurwa asi vanoti vakazoona paiswa munhu asiri wemuwadhi mavo.

Patabvunza vamwe vavo kuti danho ravatora haripe here mukana kubato reZanu PF kuti rikunde , VaShumba vati hongu vachapa mukana kune mamwe mapato asi pachinzvimbo chemutungamiri wenyika vanenge vachitsigira VaChamisa.

Imwe nhengo isina kuda kudomwa nezita inoti vari kutoda kupatsanura mavhoti kuitira kuti bato reMDC-T risakunde pamakanzura senzira yekunyadzisa hutungamiri hwedunhu.

Mumwe mugari wemuwadhi 10, Amai Tracy Goko, vati vanotsigira nhengo dziri kuda kukwiwidza dzakazvimirira nekuti sarudzo dzemudunhu hadzina kufambiswa zvakanaka sezvo pasina jekerere yakaitwa.

VaEdward Kadewere, avo vakabuda musarudzo ye primary yekutsvaga anomirira Chinhoyi muparamende vachiti pane chitsotsi chakawanda chaiitika, vati vachafunga nezvazvo vachiti nhengo dzakawanda dzinovatsigira dziri kuda kuti vakwikwidze vakazvimirira.

Mutauriri weMDC-T mudunhu, VaBlessing Mandava, vanoti nhengo inenge yakwikwidza yakazvimirira inenge yazvidzinga mubato ravo.

Muneimwewo nyaya nhengo dzebato reZanu PF muChinhoyi hadzisi kufara nekudzokororwa kechipiri kwesarudzo dzemuwadhi 7 ne 3 vachiti zvinoratidza kuti nhengo dziri kutsigirwa nevakuru vakuru dziri kukundwa.

Wadhi yanetsa iwadhi 7 iyo inonzi Amai Prisca Mupfumira vari kuti sarudzo dzichadzokororwa kana kazana kusvikira VaCharles Mutisi vakunda.

VaMutisi vakadashurwa naVaProsper Mavhunga kaviri uye vachaita dzimwe sarudzo dzechitatu neChina svondo rino.

Sarudzo dze primary elections mumapato eZanu PF neMDC-T dzakaitwa zvine mhirizhonga mukati. Kune dzimwe nzvimbo pfuti dzakaridzwa vanhu vakaendesana kumapurisa.

Mapato maviri aya ari kuita misangano yekuyananisa vakarovana nekutukana musarudzo idzi kuti vashande vose zvakanaka musarudzo dzichaitwa musi wa 30 Chikunguru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG