Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Vanocherechedza Zuva reWorld Press Freedom


y
y

Hurumende yatadza kupinda mumhemberero dzeWorld Press Freedom Day dzange dzakarongwa nemasangano ose anomirira vatori venhau pamwe nemabasa ekutorwa kwenhau.

Hurumende yatadza kupinda mumhemberero dzeWorld Press Freedom Day dzange dzakarongwa nemasangano ose anomirira vatori venhau pamwe nemabasa ekutorwa kwenhau.

Vamwe vapinda mumhemberero idzi vanoti izvi zvinoratidza pachena kuti hurumende haina chido chekuvandudza mabasa ekutapwa kwenhau.

Masangano akawanda anomirira vatori venhau kusanganisira makambani emapepanhau pamwe nedzinhepfenyuro dzakaita seZimbabwe Broadcasting Corporation, ZiFM, Sterion, Star FM neDaily News, vapinda mumhemberero dzaitwa kuHighfields.

Asi bazi rezvekuburitswa kwemashoko harina kupinda mumhemberero idzi kunyange hazvo range razivisa kuti richapinda muchiitiko ichi.

Munyori mukuru wesangano revatori venhau reZimbabwe Union of Journalists, VaFoster Dongozi, vaudza Studio 7 kuHighfields kuti vange vakamirira vebazi rezvekuburitswa kwemashoko nemaziso matsvuku pachiitiko chanhasi.

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa munhepfenyuro yeCommunity Radio Harare, VaGivemore Chipere, vati kusauya kwebazi rezvekuburitswa kwemashoko kunoratidza mafungiro ehurumende panyaya yekushanda kwevatori venhau nekodzero dzavo.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende kuti sei yatadza kupinda mumhemberero idzi.

Mhemberero dzapindwa nemasangano ose evatori venhau kusanganisira neUnited Nations Scientific and Cultural Organisation dzafamba zvakananka muHarare kunyange hazvo vatori venhau vasina kuuya vakawanda sezvange zvakatarisirwa.

Mumwe mutapi wenhau, VaRichard Chidza, vaudza Studio 7 kuti mashandiro evatapi venhau akaoma munyika uye zvinonetsa kuti vaungane vachipemberera zuva iri sezvo vanenge vari mushishi rekutsvaga mabasa nemari zvekuraramisa mhuri dzavo.

Mumwe mupepeti wenhau kubepanhau reDaily News, VaGuthrie Munyuki, vanoti vatori venhau vanofanira kutora mikana yakaita seWorld Press Freedom Day kuti vataure nhunha dzavo vakabatana kuitira kuti vanzwikwe nehurumende pamwe neavo vane chekuita nemabasa ravo.

Vanoti iri ndiro zuva vatori venhau vanofanira kukoshesa zvakanyanya.

Mhemberero idzi dzange dzakarongwa nesangano rinomirira masangano ese evatori vemnhau munyika reMedia Alliance of Zimbabwe.

Vamwe vatori venhau vatataura navo vati zuva iri harina kunatsoshambadzwa uye vange vasingazive kuti range richiiitirwa kupi. Vamwewo ndivo vati vange vapinda mumhemberero dzange dzakarongwa nemamwewo masangano kana mizinda yedzimwe nyika dziri muEuropean Union.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reMedia Institute of Southern Africa-Zimbabwe, VaTabani Moyo, vanoti zuva rekucherechedza World Press Freedom rafamba zvakanaka chose.

Mhemberero idzi dzaitwa pasi pedingindira rekuti Media Sustainablity in the Digital Age rinove rinokuridzira kuti masangano kana makambani ezvekuburitswa kwemashoko angararame sei panguva ino apo matapirwo nemafambisirwo enhau nemashoko ari kusanduka.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG