Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoyambira Venhau neVeruzhinji Pamusoro peKuburitsa Mashoko eHutano hweVakuru muHurumende Ainoti Manyepo


Mutewedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga. Hurumende yaramba mashoko ekuti vakamhanyiswa kuChina kunorapwa mushure mekurariswa neCovid-19.
Mutewedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga. Hurumende yaramba mashoko ekuti vakamhanyiswa kuChina kunorapwa mushure mekurariswa neCovid-19.

Munyori mukuru mubazi rezvemukati menyika, VaAaron Nhepera vaburitsa mashoko anoyambira masangano ezvenhau pamwe neveruzhinji kuti vasaburitse manyepo pamusoro pehutano hwevakuru-vakuru vehurumende, vachiti kuita kwakadai kunokanganisa kugadzikana kwenyika.

Mugwaro ravo, VaNhepera vati vari kunyanya kutsoropodza mashoko avanoti emanyepo ekuti vateveredzeri vemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga naVaKembo Mohadi vose vari kurwara neCovid-19, uye kuti VaChiwenga vakatomhanyiswa kuChina kunorapwa.

Hurumende yakashoropodzawo vamwe vakuru vemakereke vanonzi vari kukurudzira nhengo dzavo kuti dzisabaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19, iyo inonzi ichapinda munyika mumazuva mashoma anotevera.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika, VaRejoice Ngwenya, vanoti kusavepo kwemashoko anoburitswa nehurumende pamusoro pehutano hwevakuru vehurumende ndiko kunozokonzera kuti vatori venhau pamwe neveruzhini vanyore pamwe nekutaura nezvavanenge vachinzwa, izvo zvinozopikiswa nehurumende.

VaNgwenya vanoti hurumende inofanirwa kutaura kuti vakuru-vakuru ava varipi, kwete kungoburitsa mashoko ekuramba asina humbowo, vachiti kune dzimwe nyika hurumende inotooita misangano nevatori venhau vachizivisa veruzhinji mamiriro anenge akaita zvinhu.

“Ukaona hurumende ichingovhunduka kana zvichinge zvangonzi eeh, mukuru wenyika adai, pane zvinenge zvisingabudi mushe. Hurumende ngaiite chido chekuburitsa mazwi, chekuburitsa mashoko,” vanodaro VaNgwenya.

Mutauriri wemutungamiri wehurumende, VaGeorge Charamba, vakazivisa mazuva mashoma adarika kuti VaChiwenga vakanzi nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati VaChiwenga vambonozorora.

Panyaya yevakuru vemakereke vari kukurudzira nhengo dzavo kuti dzisatora nhomba yekudzivirira Covid-19, VaNgwenya vanoti zvakashata kuti vakuru ava vatsvage mbiri nekuudza vanhu mashoko asiriwo, kunze kwemamwe makereke emapositori agara anozivikanwa kuti haatore mishonga.

Asi vanoti vakuru ava kunyange ivo vasingade mishonga iyi, vanofanirwa kukurudzira nhengo dzavo dzinoda zvadzo kuti dzibaiwe nhomba idzi.

Hurukuro naVaRejoice Ngwenya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG