Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Matororo Ari Kutadzisa Budiriro muZimbabwe


FILE - Zimbabwean President Emmerson Mnangagwa addresses mourners at the burial of Zimbabwean minister Perence Shiri, who died of Covid-19, during his burial in Harare, July, 31, 2020.
FILE - Zimbabwean President Emmerson Mnangagwa addresses mourners at the burial of Zimbabwean minister Perence Shiri, who died of Covid-19, during his burial in Harare, July, 31, 2020.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vafananidza mapato anopikisa semasangano ematororo uye vati hupfumi hwenyika huri kutadza kusimuka nepamusana pevari munyika pamwe nekunze vari kudhonzera zvinhu kumashure.

Vachitura mashoko avo kunyika pahurongwa hweState of the Nation Address, VaMnangagwa vafananidza mapato anopikisa semagandanga anoita zvakapfurikidza mwero vachiti vemapato anopikisa aya vari kudzosera budiriro yenyika kumashure.

VaMnangagwa vatiwo pane vamwe vanhu vari munyika pmwe nevekunze vavasina kudoma nemazita vavati vari kutadzisa zvinhu kufamba zvakanaka munyika.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatswayo, vashora mashoko aVaMnangagwa aya vachiti ivo nebato ravo reZanu PF ndivo vanozivikanwa nekuponda nhengo dzeMDC Alliance.

Mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic Party, VaUrayayi Zembe, vatiwo kunze kwekushora vemapato anopikisa, VaMnangagwa vaifanira kugadzirisa zvinhu zvakatadzwa nevaimbova mutungamiri wenyika, muchakabvu Robert Mugabe, avo vakabviswa pachigaro muna 2017 kuitira vagadzirise zvinhu munyika.

Mutungamiri wesangano rePlatform for Youth Development in Zimbabwe, VaClaris Madhuku, vatiwo chinodiwa munyika kugadzirisa nyaya dzehuori kwete kuti VaMnangagwa vaswere vachipomera mhosva vemapato anopikisa pamwe nevemasangano anoshanda akazvimirira.

Imwe nyanzvi munyaya dzevematongerwo enyika, uye vari mukuru weMedia Center, VaEarnest Mudzengi, vati chinodikanwa kugadzirisa nyaya dzehupfumi hwenyika kubudikidza nekuona kuti vakapihwa mapurazi vaashandisa vachiti vekunze havanei nekutadza kuri kuita hurumende kufambisa zvinhu munyika

VaMnangagwa vakurudzira vanhu munyika kuti vabatane mukurwisa vavengi pamwe nevanhu vanoita mabasa erima vachivhiringa budiriro muZimbabwe.

VaMnangagwa vati vanopikisa, zvirango zvakatemerwa Zimbabwe, kushanduka kwemamiriro ekunze, uye dambudziko reCovid-19, ndizvo zvinhu zviri pamberi mukuvhiringa budiriro munyaya dzehupfumi muZimbabwe.

Vatiwo hurumende yavo iri mubishi kuvandudza mitemo kuitira kuti munyika muve nehutongi hwejekerere.

Asi dzimwe nyanzvi dzinoti VaMnangagwa varatidza kuti havana kurongeka pamashoko avo avataura paState of the Nation Address.

Pavakapinda panyanga muna Zvita 2017 mushure mekubviswa kwakaitwa VaMugabe pachigaro nemauto, VaMnangagwa vakavimbisa kuvaka Zimbabwe itsva yakasiyana neyaive pasi pehutongi hwaVaMugabe.

Asi nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti VaMnangagwa vakundikana zvikuru kugadzirisa hupfumi hwenyika, uye nyaya yehuori yatekeshera muhurumende yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG