Accessibility links

Breaking News

Mamwe Mapato Anopikisa Anoti Haana Kukokwa Kuzoona VaMnangagwa Vachigadzwa.


VaEmerson Mnangagwa
VaEmerson Mnangagwa

Apo mutungamiriri mutsva wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kugadzwa mangwana, mamwe mapato anopikisa anoti haana kukokwa uye acharega kuenda kugungano iri.

Asi mamwe anoti nhengo dzawo dzakasununguka kuenda kuchiitiko ichi, icho chichaitirwa kunhandare yeNational Sports Stadium muHarare.

Hurumende iri kukoka vanhu vese munyika kuti vaende kugungano rekugadza mutungamiriri mutsva weZimbabwe, VaEmmerson Mnangagwa pachigaro zvichitevera kusiya basa kwevanga vari mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemusi wechipiri svondo rino.

Mapato anopikisa akaita seMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, People’s Democratic Party, ne Renewal Democrats of Zimbabwe anoti haana kuwana matsamba ekuakoka kugugano iri.

Mutauri wePDP, VaJacob Mafume, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo vaona chiziviso chekukoka munhu wese, ivo sebato havana kuwana tsamba yekuvakoka.

VaMafume vati nhengo dzebato ravo dzakasununguka kuenda kugungano iri.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaKuraone Chihwai, vaudza Studio 7 kuti nhengo dzebato ravo dzakasununguka kuita zvadzinoda mangwana.

Munyori mukuru muMDC T, VaDouglas Mwonzora, vaudza Studi 7 kuti bato ravo range risina kukokwa kugungano remangwana.

Mutungamiri we Renewal Democrats of Zimbabwe, VaElton Mangoma, vati bato ravo pamwe nemamwe mapato ari mumubatanidzwa weCoalition of Democrats kana kuti CODE, havana kukokwa uye havasi kuzoenda.

VaMangoma vatiwo zvainge zvakanaka chose kuti vakokwewo pamutemo semapato.

Asi VaMafume vati pamwe vari kuronga gungano iri vawandirwa nebasa sezvo izvi zvisati zvamboitika kuti nyika inosandura vatungamiri.

Mutevedzeri wemunyori wezvemitemo muZanu PF, VaPaul Mangwana, vanoti VaMugabe vachange vari pahurongwa hwekutambidza VaMnangagwa matomu.

VaMnangagwa vanotarisirwa kudoma makurukota avo nevatevedzeri vavo vaviri sezvinodiwa nemutemo.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG