Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoshoropodzwa Nekuda kuVandudza Mutemo weSarudzo yeMutungamiri weNyika


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mngangwa veZanu PF vakakunda vamwe vaikwikwidzana navo muna 2018 vanosvika makumi maviri nevaviri.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mngangwa veZanu PF vakakunda vamwe vaikwikwidzana navo muna 2018 vanosvika makumi maviri nevaviri.

Hurumende inonzi iri kuda kuvandudza mutemo wakanangana nekudomwa kwevanhu vanozokwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika kuburikidza nekukwidza huwandu hwevanhu vanofanirwa kumudoma.

Bepanhau reThe Sunday Mail rinoti gurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi vakati kana mutemo uyu wakavandudzwa uchabatsira kubvisa vanhu vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika vachiita zvavo zvedambe asi vasina anovatsigira.

Mutemo uyu unonzi unoda kuti vanozopinda musarudzo yemutungamiri wenyika vatange vadomwa nevanhu vanosvika chiuru kubva mumatunhu gumi emunyika, uye kuti mari dzavanobhadhara kuti vakwikwidze dzikwidzwe kubva pachiuru chemadhora.

Asi mutungamiri werimwe remapato anopikisa, reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe, vanoti hurongwa hwakadai hahufanirwe kunge huchibva kuhurumende, asi kuti hubve kuvanhu sezvo vari ivo vanosarudza mutungamiri wenyika.

Doctor Zembe vanotiwo ikodzero yemwana weZimbabwe wese yekuti akwikwidze musarudzo ipi zvayo yaanoda, sezvo achipiwa masimba aya nebumbiro remitemo.

Vanotiwo sebato rinopikisa, vacharamba vachipikisa mitemo inombunyikidza kana kudzvinyirira vanhu.

Musarudzo yegore rapera, vanhu makumi maviri nevatatu vakakwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika, kakave kekutanga munhoroondo yesarudzo dzemunyika kuti vanhu vakawanda kudaro vanokwikwidza musarudzo imwechete.

Hurukuro naDoctor Urayayi Zembe
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG