Accessibility links

Breaking News

VaCharamba Votsikatsika Pamusoro peBazi reVashandi Raiswa Muhapwa dzaVaMnangagwa


VaGeorge Charamba
VaGeorge Charamba

Mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, varamba mashoko ari kutaurwa nevamwe vashandi vehurumende ekuti vashandi vehurumende vave pasi pehofisi yemutungamiri wenyika.

Nemusi weChitatu, VaCharamba vakanyora gwaro kuvatori venhau vachiratidza kuti raimbove bazi rezvamabasa nevasahandi, rave pasi pehofisi yemutungamiri wenyika.

Izvi zvakakonzera kuti vamwe vashandi vehurumende, zvikuru sei vanoshanda mune zvedzidzo, vanyunyute.

Bazi rezvedzidzo ndiro rine vanhu vakawanda vanoshandira hurumende kupfuura mamwe mapazi ose vachizadza zvikamu zvitatu muzvina pavashandi vehurumende vose.

VaCharamba vanoti vaifanirwa kutsanangura zvakakwana kubva pekutanga kuti bazi revashandi vehurumende re Civil Service Commission, rinova ndiro rinosevenzerwa nevanhu, ndiro rakaendeswa kuhofisi yemutungamiri wenyika.

“Chakaitika apa hakusi kuti vanoshandira hurumende vakabviswa kubva kumapazi avo kuiswa pasi pehofisi yemutungamiri wenyika; chakaitika apa ndechokuti wavanosevenzera, yatave kuti Civil Service Commission, iyo yataimboziva se Public Service Commission, inotungamirwa naDr Nzwuwa, ndiyo yakabviswa kubazi riye rataimboti rePublic Service, Labour and Social Welfare ichibva yaiswa pasi pehofisi yemutungamiri wenyika.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG