Accessibility links

Breaking News

VaMunyeza Vanotadziswa Kutaura seMunyarikani muHarare


Panelists U.S. ambassador to Zimbabwe, Bruce Wharton (far left), SAPES Trust director Ibbo Mandaza (center) and businessman Shingi Munyeza. (Photo: Marvellous Mhlanga Nyahuye.

Chimwe chipangamazano chemutungamiri wenyika, Dr Shingi Munyeza, nhasi vavhiringidzwa nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori vakatadza kutaura pamusangano wekuparura sangano reZimbabwe Institute of Strategic Thinking muchiitiko chashorwa nevanhu vakawanda vapinda mumusangano uyu.

Dr Munyeza, avo vanove nhengo yePresidential Advisroy Council, ndivo vange vari munyarikani pachiitiko chanhasi, asi pange pave kuda kutanga musangano ndopasimuka vamwe vanhu vachiita ruzha vachiti vange vachida mari yavo kubva kuna Dr Munyaza.

Mushure mechinguvana Dr Munyeza vazobuda mange muchiitirwa musangano ndokubva vaenda vasina kupa mashoko avo.

Dr Munyeza vaudza Studio 7 kuti havazive vanhu vavavhiringidza nhasi asi vakati hazvivatyise sezvo zviri zvinhu zvavange vachitarisira kubvira pavakatanga kutaura pfungwa dzavo pamusoro pezviri kuitika munyika.

Vatiwo vange vagara vatorumwa nzeve nevamwe kuti kune vanhu vange vakaronga kuvhiringidza hurongwa uhwu.

Vati izvi ndozvinoitika kana kodzero dzevanhu dzisingaremekedzwe uye bumbiro remitemo yenyika risingatevedzwe.

Dr Munyeza vati vacharamba vachitaura nezvekumbunyikidzwa kwekodzeo dzevanhu zvisinei nezvaitika nhasi.

Mumwe muzvinabhizimisi, VaNigel Chanakira, vashora zvaitika nhasi vachiti Zimbabwe haina kwainosvika kana vanhu vachirambidzwa kupa pfungwa dzavo pamusoro pezviri kuitika pamwe nematongerwo ari kuitwa nyika yavo

Mukuru wesangano rePlatform for Youth and Community Development, VaClaris Madhuku, vatiwo zvaitika zvinoratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka vachiti chinangwa cheZimbabwe Institute for Strategic Thinking ndechekuti vana veZimbabwe vafunge zvakdzama pamwe nekuisa pfungwa dzavo pamwe chete kuitira kuti nyika ifambire mberi.

VaMadhuku vati kunyange hazvo paine mapato maviri anopikisa anoti Zanu PF neMDC Alliance, nhaurirano dzekupedza matambudziko eZimbabwe dzave kuda mapato ese, vedzisvondo nemamwe masangano akasiyanana vachiti izvi chete ndizvo zvinogona kupedza matambudziko akatarisana nenyika.

Mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati bato ravo harineyi nezvaitika kwanga kuina VaMunyeza.

Studio haina kukwanisa kubata munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, sezvo vanga vasiri kubatika panherembozha yavo.

Zimbabwe Institute for Strategic Thinking iyo yaparurwa nhasi, inotungamirirwa naVaTinashe Muzamindo, uye chinangwa chayo chikuru kupangamazano nehurumende, mapato ezvematongerwo enyikanemasangano akazvimirira, pamwe nekukurudzira nhaurirano pakati pemasangano aya kuitira kuti ashande pamwe mukusimudzira nyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG