Accessibility links

Breaking News

VaMutsvangwa Vomirira Zanu PF muSarudzo Ichaitwa muNorton?


Norton Demos
Norton Demos

Sachigaro wesangano revaimbove varwiri verusununguko, reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, uye vari chipangamazano chemutungamiri wenyika, Va Chris Mutsvangwa, vanosarudzwa semunhu achamirira Zanu PF musarudzo yenhengo yeNational Assembly ichaitwa mu Norton.

Izvi zvaburitswa neMugovera mushure memusangano we Provincial Coordinating Committee yeZanu PF kuMashonaland West.

Vachitaura mushure mekudomwa, VaMutsvangwa vati havana kumanikidza kuti vavanga vachifanirwa kukwikwidzana navo, Langton Mutendereki, kuti vasapinde musarudzo yanga ichifanirwa kudzokororwa.

Vati VaMutendereki vazvibudira vega musarudzo yemuNorton. Pari zvino nzvimbo iyi iri kumirirwa nenhengo yakazvimirira, VaTemba Mliswa, avo vakadzingwa mubato reZanu PF panguva iyo VaRobert Mugabe vaive mutungamiri waro.

Asi vamwe vanoziva zviri kuitika vanoti VaMutendereki vakahwanda pari zvino, sezvo vari kuchityira hupenyu hwavo, zvichitevera kutyisidzirwa kwavanonzi vakaitwa mushure mekukunda VaMutsvangwa.

Studio7 yaedza kufonera VaMutendereki kuti tinzwe divi ravo, asi nharembozha yavo yanga isiri kudavirwa.

Komiti yepamusoro soro yeZanu PF yakabuda nechisungo chekuti sarudzo dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo dzichaitwa munyika yose dzidzokororwe mumatunhu gumi.

Asi nhengo dzakawanda dzebato iri dziri kuda kuti sarudzo dzidzokororwe mumatunhu akawanda munyika sezvo dzisina kuitwa zvakanaka izvo zvakaona dzimwe nhengo dzichisungwa mushure mekuridza pfuti pazere vanhu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG