Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Vari Kushushikana neKutyorwa kweMitemo yeNyika


President Emmerson Mnangangwa At SONA
President Emmerson Mnangangwa At SONA

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vashora vanhu vanoita zvekutenga nekutengesa mari pamukoto vachiti vari kuita izvi vari kuda kuparadza hupfumi wenyika.

Vatiwo hurumendde yavo iri kutora matanho ekugadzirisa dambudziko rekushaikwa kwemari munyika.

Vachipa mashoko avo pamusoro pemamiriro akaita zvinhu munyika, kana kuti State of the Nation Address, pamwe nekuvhura chikamu chechipiri cheparamende yechipfumbamwe, VaMnangagwa vati vanoziva kuti vanhu vari kutambudzika kuwana mari izvo zvave kupa nhubu mukana wekutengesa mari nemutengo uri pamusoro soro.

Vati hurumende yave kuwana mari yakawanda kudarika yayange ichitarisira uye ine zvirongwa zvakwanda zvairi kuita zvekuvandudza hupfumi.

Semuenzaniso, VaMnangagwa vati hurumende yakaisa parutivi bhirioni nemazana masere ezviuru zvemadhora semari yekutsigira kurimwa kwechibage, soya beans pamwe nedonje.

VaMnangagwa vatiwo kunyange hazvo vari kufara kuti paramende yakatovandudza mimwe mitemo kuitira kuti ienderane nebumbiro remitemo yenyika, havasi kufara nekuti izvi zviri kutora nguva yakareba.

Vatiwo kusashandiswa zvakanaka kwemari yehurumende kunogaro taurwa naAuditor General hakufanirwe kuramba kuchienderera mberi vachiti yave nguva yekuita zvinhu zvakajeka uye zviri pamwero.

Vatiwo hurumende yavo icharamba ichirwisa nekutsigira masangano ese anorwisa huwori munyika.

VaMnangagwa vati vanozviziva kuti zvinhu zvakaomera vanhu vakawanda munyika asi vakati zvichatora nguya yakareba kugadzirisa zvinhu uye zvinoda kuti vanhu vashande pamwe chete.

Mabhiri anotarisirwa kuzeiya neparamende iyi anosanganisira Mines and Minirals Amendment Bill; Cyber Crime and Cyber Security Bill, Prisons and Correctional Services Bill, Medical Aid Societies Bill nemamwe.

VaMnangagwa vatiwo mabhiri eZimbabwe Media Commission Protection of Information pamwe neBroadcasting Services Act Amendment Bill anofanira kupasiswa nechimbichimbi.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi, Dr Davison Gomo, vaudza Studio 7 kuti mashoko aVaMnangagwa anoratidza kuti vanoziva zvinonetsa vanhu uye zvasara kuhurumende neparamende kuti zvigadziriswe.

Mukuru weSouthern Africa Parliamenatry Support Trust, VaJohn Makamure, vaudza Studio 7 kuti chakakosha kuona kuti zvaparurwa nhasi zvinobatsira veruzhinji here.

Nhengo yeMDC inotungamirirwa naMuzvare Tokhozani Khupe, Amai Priscillar Misiharambwi Mushonga, vati havabvumirani naVaMnangagwa kuti paramende haisi kufambisa basa nemazvo vachiti makurukota avo ndivo asiri kuita basa nemazvo.

Gurukota rezvemitemo neparamende, VaZiyambi Ziyambi, vatiparamende ichaedza pese painogona napo kuona kuti mabhiri anenge aunzwa kuparamende apasiswa.

Kunyange hazvo VaMnangagwa vataura mabhiri avanotarisira kuti azeiwe neparameende, haasi mabhiri ese aya anounzwa kana kupasa muparamende.

Muchikamu chekutanga cheparamende yechipfumbwamwe pakapasiswa mabhiri mapfumbamwe chete asi ipo paitarisirwa kupasiswa mabhiri makumi maviri nemapfumbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG