Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, Vanovhota kuKwekwe


Emmerson Mngangwa Zanu PF Votes Zimbabwe Elections
Emmerson Mngangwa Zanu PF Votes Zimbabwe Elections

Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vavhota pachikoro cheSherwood Park pedyo nepurazi ravo kuKwekwe vachiti vanotarisira kuti munyika mucharamba muine runyararo sarudzo dzapera.

VaMnangagwa vataura mashoko aya mushure mekuvhota paSherwood Park School nhasi mangwanani.

Vati kunyange hazvo pane vamwe vakaita sevaimbova mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti munyika hamuna ruranyararo, ivo vanoona sekuti muZimbabwe mune runyararo rusati rwamboonekwa munguva dzesarudzo.

Vati munhu wese munyika kusanganisira VaMugabe vakasununguka kutaura zvavanoda pamusoro pavo zvingave zvakashata kana zvakanaka.

VaMnangagwa vaenda kunovhota nemudzimai wavo, Amai Auxillia Mnangagwa, avo vati vanotarisira kumurume wavo nebato ravo vachakunda kuti varambe vari pachigaro chemutungamiriri wenyika.

Amai Mnangagwa vatiwo vafara kuti sarudzo dzaitwa murunyararo uye munhu wese apihwa mukana wekuvhota pamadiro. Vatiwo vakagadzirira kushanda nemunhu wese semudzimai wemutungamiri wenyika.

Amai Rudo Musamirapamwe avo vavhota paSherwood Park Primary vatiwo zvinhu zvafamba zvakanaka uye vafara nemabatirwo avaitwa nevange vachivhotesa.

Munzvimbo zhinji dzashanyirwa neStudio7 muKwekwe, vanhu vange vari kuvhota murunyararo uye pange pasina matambudziko akawanda ange achisangana nevange vachivhota.

Amai Fortunate Chitongo vanogara mumusha weWaverly muKadoma vatiwo vavhota zvakanaka paRimuka 3 High uye vanotaririsa kuti munyika mucharamba muine runyararo vanhu vachigara zvakanaka.

Vakawanda vange vachivhotesa vati zvinhu zvange zviri kufamba zvakanaka uye munzvimbo zhinji vanhu vange vari mumitsetse vachimirira mikana yavo yekuvhota.

VaEmmanuel Govo ndemumwe wevange vachivhotesa muKwekwe.

Mapurisa ange akawanda mumigwagwa nemunzvimbo dzekuvhotera achichengetedza runyararo uye veruzhinji vati runyararo runofanira kuchengetedzwa kunyange sarudzo dzapera.

Pane vanhu makumi maviri nevatatu vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika uye tsvakurudzo dzakaitwa dzinoratidza kuti makwikwi ari pakati paVaMnangagwa naVaNelson Chamisa veMDC Alliance.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG