Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vokurudzirwa Kubayiwa Nhomba yeCovid-19 Kuitira Kuti Veruzhinji Vave neChivimbo Nayo


President Emmerson Mnangagwa

Imwe nyanzvi munyaya dzehutano inoti zvakakosha kuti mutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, vabudewo pachena vachibayiwa nhomba iyi senzira yekukurudzira veruzhinji kuti vave nechivimbo nenhomba yakagadzirwa ku China iyi.

Kurudziro iyi inouya apo huwandu hwevanhu vemuZimbabwe vabayiwa nhomba yeCovid-19 kusvika pari zvino, hausati hwasvika pahunotarisirwa.

Izvi zvinotevera kubayiwa nhomba kwemazuva mashanu kwevashandi vemuzvipatara uye vanoita zvehutano munyika yose.

Hurumende yakazivisa nezuro kuti vanhu zviuru gumi nezviviri nemazana mashanu nemakumi manomwe nevapfumbamwe, 12579, vainge vabayiwa nhomba mukupera kwezuva nezuro wakare kubva pakatanga kubayiwa vanhu nhomba iyi.

Dr Simbiso Ranga, avo vanoshandira mudunhu re North Carolina, America, vanoti panogona kuva paine zvikonzero zviri kupa kuti vanhu vasapinde muchirongwa ichi.

Dr Ranga vanotiwo zvakakosha kuti pave nedzidziso yakadzama kuitira kuti vanhu vave nechivimbo nenhomba ye Sinopharm, iyo iri kubayiwa vanhu muZimbabwe.

China yakabatsira pachena Zimbabwe nenhomba zviuru mazana maviri.

Dr Ranga vanoti zvakakosha kuti VaMnangagwa varatidze kukosha kwekubayiwa nhomba iyi kuburikidza naivo vachibayiwa nhomba iyi veruzhinji vachiona sezvakaitika muAmerica nedzimwe nyika, umo vatungamiri venyika idzi vakabayiwa nhomba nyika yose ichizviona.

Vachitaura vari kuNyamandlovu nemusi we China, VaMnangagwa vakati ivo nedare ravo remakurukota, vachabayiwa nhomba iyi mumasvondo maviri anotevera.

VaMnangagwa vari kuita izvi mushure mekunge gurukota rezvehutano, uye vari mutevedzeri waVaMnangagwa, Va Constantino Chiwenga, vaita munhu wekutanga muZimbabwe kubayiwa nhomba iyi svondo rapera nemusi weChina.

please wait

No media source currently available

0:00 0:09:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG