Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voudzwa Kuti Vazadzise Mashoko Avo Anoshora Huori


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa

Masangano anoshanda akazvimirira anoti hurumende haina chido chekurwisa nekupedza huwori munyika zvisineyi hazvo kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanobuda vachishoropodza huori uhwu.

Vachitaura mushure memashoko aVaMnangagwa pazuva rekucherechedza zuva reAfrica Anti Corruption Day pamwe nemashoko avakataura ekushora huori pamusangano wePolitical Actors Dialogue nezuro, mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vanoti aka hakasi kekutanga VaMnangagwa vachitaura mashoko akadai, asi pasina zviri kuitwa.

VaKhumalo vanoti semaonero avo, hurumende iripo ine huwori hwakanyanya kudarika hurumende yaiva yaVaRobert Mugabe.

Mutungamiriri wesangano rinomirira vashandi munyika reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaPeter Mutasa, vanoti pavakatora matomu, VaMnangagwa vakataura kuti vachaparadza huwori, izvo zvavari kutadza kuita sezvo huwori hwacho huri kutoenderera mberi.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Manyanya, vanoti vanoona sekuti zvinonetsa kuti hurumende irwise huwori nekuti vazhinji vanoita huwori vari pedyo nemutungamiri wenyika nevamwe vakuru vakuru muhurumende.

Imwewo nyanzvi munya dzehupfumi, VaMasimba Kuchera, vanoti VaMnangagwa vakavimbisa kurwisa huwori pavakapinda panyanga muna 2017 vakatodzinga nhengo dzebhodhi reZimbabwe Anti-Corruption Commission dzaivepo asi kusvika pari zvino hapana chiri kunatsoitwa kupedza hurowi munyika.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika vakarerekera kubato riri kutonga reZanu PF, VaPeter Matange, vaudza Studio 7 kuti mashoko aVaMnangagwa anoratidza kuti havasi kufara nemabatirwo ari kuitwa nyaya dzehuwori munyika.

Vaenderera mberi vachiti mutungamiriri wenyika haakwanisi kupindira munyaya dzinenge dzave kumatare edzimhosva vachiti nyaya dzehuwori dzinoda nyanzvi mukudziongorora uye zvinotora nguva kuita izvi.

Asi VaMnangagwa vanoti hurumende yavo iri kuedza napose painogona napo kurwisa huwori.

Mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti hurumende yaVaMnangagwa iri kurwisa huori ndosaka vamwe vakuru vakuru muhurumende vaine nyaya dzehuori dziri kumatare.

Kubvira pavakapinda muhofisi, pane makurukota ehurumende anoti Amai Priscah Mupfumira, VaObadiah Moyo nevamwe vaive makurukota ehurumende, vakaita saVaIgnatius Chombo, naVaSamuel Undenge vakasungirwa nyaya dzehuwori.

Sachigaro weZimbabwe Anti-Corrutpion Commission, Justice Loice Matanda-Moyo, vanoti matare anofanira kusimbiswa kuti ape mitongo inodzivirira kuparwa kwemhosva dzehuwori munyika.

Sangano reTransparence International rinoti Zimbabwe inorasikirwa nemari inodarika bhiriyoni remadhora ekuAmerica nekuda kwehuori gore rega rega.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG