Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votarisirwa Kutaura Pamusoro peZvirango kuUNGA


TRUMP UNGA
TRUMP UNGA

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachataura kekutanga semutungamiri wenyika pamusangano weUnited Nations General Assembly, UNGA, uri kuitirwa muNew York.

VaMnangagwa vachatora mukana uyu kuzvishambadza kuvatungamiri venyika zana nemakumi mapfumbamwe nenhatu dzinova nhengo dzeUnited Nations, vachipa divi ravo rematongerwo enyika rakasiyana nerevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vaizivikanwa nekunyomba nyika dzakaita seAmerica neBritain pamusangano weUNGA.

Kunyange hazvo VaMnangagwa vari kunzi vachataura zvakasiyana naVaMugabe, nyaya yezvirango zvakatemera ivo VaMnangagwa nevamwe vavo muhurumende, zvichange zviri zvimwe zvezvinhu zvavachabata.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG