Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votambidzwa Chimuti neMutungamiri weZambia, VaEdgar Lungu


President Emmerson Mnangagwa was cautious about Zimbabwe discovering oil and gas deposits, Nov. 2, 2018, in Harare.

Vatungamiri venyika dzemu SADC vari kusangana ku Tanzania kumusangano wepagore wesangano iri.

Musangano uyu, uyo uri wechumakumi matatu nepfumbamwe, uri kupera neSvondo.

Mutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, vari kutarisirwa kutora chigaro chasachigaro wekomiti yeSADC inoona nezvematongerwo enyika, pamwe nekugadzikana kwedunhu iri.

Mutungamiri weZambia, Va Edgar Lungu, ndivo vari kutambidza chimuti kuna VaMnangagwa kuti vange vari sachigaro veSADC Organ on Politics, Defence and Security Cooperation.

Musangano weSADC uri kutarisirwa kubudawo nezvisungo zvakati kuti, izvo zvinosanganisira zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vakuru vemu Zimbabwe nenyika dzekumawirira.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kwe Africa, Va Dewa Mavhinga, vanoti veruzhinji vanofanirwa kuziva kuti zvigaro izvi ndezvemadzoro, uye zvinopihwa nyika, kwete munhu.

VaMavhinga vanoti vatungamiri venyika dzemuSADC vanofanirwa kuudza VaMnangagwa zvavari kukanganisa, kwete kuramba vakanyara.

VaMavhinga vanoti nyika yakaita seLesotho, iyo ichakurukurwa kuTanzania, haina kufanana nezvakaitika muZimbabwe umo makapindira mauto mune zvematongerwo enyika.

Studio7 yatadza kunzwa kumunyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, sezvo nharembozha yavo yanga ichinetsa kubata.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG