Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voendeswa kuInternational Criminal Court kuHague


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Dare rinotonga kuparwa kwemhosva pasi rose, reInternational Criminal Court, ICC, rinoti ichokwadi kuti rakatambira magwaro ari kupomera mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nehurumende yavo, mhosva yekuurayiwa kwevanhu vairatidzira musi wa 1 Nyamavhuvhu 2018.

Kunyange hazvo ICC ichiti haiwanzotauri nevatori venhau nyaya dzainenge yatambira, yaita izvi sezvo mumhang’ari akatobuda pachena.

Nyaya iyi inonzi yakasvitswa kuICC nechikwata chevanhu vasingadi kuzivikanwa chinozviti Team Pachedu.

ICC yaudza Studio7 kuburikidza netsambambozha kuti ichatora matanho ose anokodzera sezvinodiwa nemitemo. ICC inoti kana ichinge yabuda nechisungo chaichatora, ichazivisa mumhanga’ri.

Studio7 haina kukwanisa kubata chikwata che Team Pachedu kuti tinzwe divi racho panyaya iyi.

Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose uye vari mukuru we International Commission of Jurists mu Africa, VaArnold Tsunga, vanoti havaoni nyaya yeZimbabwe ichitambirwa neICC sezvo Zimbabwe isiri nhengo yesangano iri.

VaTsunga vanoti ICC, pamutemo, ichaongorora zvasvitswa kwairi, asi havaoni ichiisa VaMnangagwa nehurumende yavo parumananzombe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gurukota rezvemitemo, Va Ziyambi Ziyambi, vanoti vanhu vakaendesa nyaya iyi ku ICC havazivi mutemo.

VaZiyambi vanoi ICC haikwanisi kupinza Zimbabwe mudare mayo sezvo isiri nengo yesangano iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mushure mekushorwa nemasangano anorwira kodzero dzevanhu nenyika dzakabudirira, hurumende yakaumba komisheni yaimbotungamirwa nevaive mutungamiri wenyika yeSouth Africa, VaKgalema Motlanthe, kuti iferefete nyaya yekupfurwa kwevannhu nemauto. Komisheni iyi yakati vanhu ava vanofanira kuripwa.

Munyori mubazi rezvemutemo, Amai Virginia Mabhiza, vanoti hurumende yatanga kuzeya nyaya dzevanhu makumi matatu nevashanu vakashaikirwa nehama dzavo kana kukuvara pakapfurwa vanhu nemauto muna Nyamavhuvhu gore rapera.

Asi vanorwira kodzero dzevanhu vanoti vanhu ava vari kuburitswa nehurumende vashoma zvikuru.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG