Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanodzokera Kumusha


Emmerson Mnangagwa At United Nations General Assembly

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vadzokera kumusha mushure mekupinda mumusangano weUnited Nations General Assembly, UNGA.

VaMnangagwa vakataura kekutanga kuUNGA neChitatu uko vakakurudzira kuti zvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika nenyika dzekumavirira zvibviswe.

Vakatorawo mukana uyu kushora zvakaitika kumusha musi wa1 Nyamavhuvhu, 2018 apo mauto akapfura vanhu vakafa mumigwagwa yemuHarare.

VaMnangagwa vakati vakadoma komisheni yekuongorora zvakaitika senzira yekuti nyika ienderere mberi.

Vari muNew York, VaMnangagwa vakapindawo mumisangano yaiitwa kumuchete kwemisangano yeUNGA.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG