Accessibility links

Breaking News

VaMangoma Voendesa Hurumende kuConCourt


VaElton Mangoma
VaElton Mangoma

Gurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, Zimbabwe Electoral Commission negweta guru rehurumende, Attorney General Advocate Prince Machaya, havana kupikisa chikumbiro chemutungamiri webato reRenewal Democrats of Zimbabwe, VaElton Mangoma, chekuti vapihwe mvumo yekukwidza nyaya yavo kuConsitutional Court yekuti vatatu ava vavandudze mitemo yesarudzo kuitira kuti ifambirane nebumbiro remitemo yenyika zuva resarudzo risati radomwa.

Pasi pemutemo, nyaya isati yanzwikwa muConstitutional Court, munhu anofanira kutanga aisa chikumbiro chekuti anzikwe, uye gweta raVaMangoma, VaChris Mhike, vati vakaisa chikumbiro chaVaMangoma mazuva matanhatu apfuura.

Vanenge vachipikisa chikumbiro ichi vanofanira kuendesa magwaro avo mukati memazuva mashanu uye VaMhika vati VaZiyambi, VaMachaya neZEC havana kupikisa chikumbiro ichi.

VaMhike vati vave kutarisira kuti dare ripe mutongo waro pachikumbiro chavo. Vati vakawana mvumo vachakumbira kuti nyaya yavo inzikwe nechimbi chimbi sezvo mazuva esarudzo ave pedyo.

VaMangoma nebato ravo havasi kufara nekuti Electoral Act haifambirane nebumbiro remitemo uye vanoda kuti izvi zvigadziriswe nechimbi chimbi chimbi.

Vati semuenzaniso, ZEC inofanira kunge yakazvimirira asi izvi hazvisi kuitika.

Vaenderera mberi vachiti chimwewo chisiri kufadza VaMangoma inyaya yekuti Electoral Act inopa vanokwikiwdza musarudzo chete mukana wekukwidza nyaya kudare renyaya dzesarudzo reElectoral Court.

VaMhike vati kunyange hazvo paine bhiri reElectoral Amendment Bill riri kuzeiwa muparamende, hausati wave mutemo uye pane zvimwe zviri kusiirirwa kana kuti zvakanzi negurukota rezvemutemo hazvisi kuzosandurwa.

VaMangoma vati ndosaka vakaenda kumatare.

VaMangoma vati zvikamu zvose zveElectoral Act zvisinga fambirane nebumbiro zvibviswe uye chitsvambe chasarira kudare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG