Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vokuridzira Runyararo Mukukwikwidza Musarudzo


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiriri webato reZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti vatungamiri vemapato ari kukwikwidza musarudzo vanofanirwa kukoshesa runyararo pavanenge vachitsvaga rutsigiro.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatsigiri vavo munhandare yeMucheke kuMasvingo, VaMnangagwa varatidza kusagadzikana nehuhwandu hwemapato achavakwikwidza musarudzo.

VaMnangagwa vati vatsigiri vavo havafaniri kuita mhirizhonga uye kutya huwandu hwemapato achavakwikwidza vachiti Zanu PF ndiyo ine rutsigiro rukuru munyika kupinda mapato ose.

Asi VaMnangagwa vabvuma kuvatsigiri vavo kuti sarudzo dzebato ravo hadzina kuitwa zvakanaka vachiti vamwe vaibirira. Asi vashoropodza vakabuda mubato vachinokwikwidza vakazvimirira voga.

VaMnangagwa, avo vanozivikanwawo nerekuti Ngwena, vavimbisa kuvhura migodhi yeShabanie Mashava, pamwe nekambani yeCold Storage Commission yakavharwa munguva yahutongi hwaVaRobert Mugabe.

Vati vachawanira mabasa matsva vanhu vemuMasvingo vanosvika zviuru zvitanhatu kana vachinge vavhura migodhi iyi, iyo yaibetsera kuvandudza hupfumi hwenyika.

Vachitaurawo pamusangano mumwechetewo, sachigaro weZanu PF mudunhu reMasvingo, Va Ezra Chadzamira, vavimbisa VaMnangwagwa kuti vanokunda musarudzo vachiti vachotora zvigaro zvose makumi maviri nezvitanhatu zveparamende sezvavakaita mugore ra 2013.

Musanagno uyu wapindwa nezviuru nezviuru zvevanhu zvatakurwa nemabhazi kubva kumatunhu ose eMasvingo uye vana vechikoro .

VaMnangawa, vauya nemutevedzeri wavo, VaConstantine Chiwenga, murongi wemisangano mubato, Va Engelbert Rugeje, gurukota rezvezviwanikwa, Va Winston Chitando, gurukutoa redzidzo yepamusoro, VaAmon Murwira, mutungamiri wedare reSenate, Amai Edna Madzongwe nevamwe vakawanda.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG