Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Zanu PF Ichatonga Kusvika Madhongi Amera Nyanga


Mutungamiri weNyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri weNyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti hapana zvichashanduka pahutungamiri huripo mushure mesarudzo sezvo bato ravo richatonga nekusingapere.

Vachitaura nhasi munhandare yePfupajena muChegutu, VaMnangagwa vati hapana chichashanduka pahutungamiri hwenyika sezvo bato ravo richaramba riine masimba ekutonga uye richaramba richitonga nekusingapere.

VaMnangagwa vati havana nguva yekurwisana “nezvipopi” uye kuti nhengo dzavo dzisatye kuhukura kwembwanana mashoko atorwa nevakawanda semunongedzo kune mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa.

VaMnangagwa vanoti vanhu vanofanirwa kuramba vari mubato reZanu PF uye vose vachasvibisa bato ravo vachadzingwa.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi, vakatyamadza vanhu vakawanda vachiti hurumende yavo ndeyechiuto sezvo vatungamiri vacho, kusanganisira naivo, vakadzidziswa zvechiuto.

VaMnangagwa vati pane vanhu vakazvipa mapurazi akawanda nekudaro vachatorera vanhu vakadaro vopa vanhu vasina pekugara.

VaMnangagwa vashoropodza makanzuru anotungamirwa nebato reMDC-T vachiti vakatadza kufambisa zvinhu nemazvo sezvo migwagwa isisafambike uye vanhu vari kunwa mvura yakasviba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG