Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vanotambira Nyomba yeCovaxin Kubva kuIndia


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vagamuchira rubatsiro rwenhomba yeCOVAXIN kubva kuIndia.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vagamuchira rubatsiro rwenhomba yeCOVAXIN kubva kuIndia.

Chikamu chekutanga chenhomba yeCOVAXIN inodzivirira Covid-19 yakapiwa Zimbabwe neIndia serubatsiro chapinda munyika, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachigamuchira mushonga uyu panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport muHarare.

Bepanhau reHerald rinoti vachigamuchira rubatsiro urwu, VaMnangagwa vatenda zvikuru mutungamiri weIndia pamwe nehurumende yeIndia, vachiti rubatsiro urwu rwauya panguva yakakodzera.

VaMnangagwa vanonzi vati Zimbabwe iri panyika dzekutanga dzakave nehurongwa hwekubaya vanhu nhomba. Vanonzi vakokawo vemabhizimusi vekuIndia vanoda kuzotanga mabhizimusi munyika kuti vashandise mikana iri kuunzwa nechirongwa cheNational Development Strategy NDS 1.

Mumiriri weIndia muZimbabwe VaVijay Khanduja ndivo vasvitsa nhomba iyi kumutungamiri wenyika.

VaKhanduja vatiwo rubatsiro urwu mucherechedzo wehukama hwakasimba pakati peZimbabwe nenyika yavo yeIndia.

VaMnangagwa vaperekedzwa nemutevedzeri wavo uye vari gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga pamwe nemamwe makurukota ehurumende.

India yakapa Zimbabwe nhomba inosvika zviuru makumi manomwe nezvishanu, 75 000, asi zviuru makumi matatu nezvishanu, kana kuti 35 000 ndizvo chete zvakwanisa kupinda munyika, zvichireva kuti imwe nhomba inosvika zviuru makumi mana ichatevera munguva pfupi inotevera.

Zimbabwe yakawana zvakare rubatsiro rweimwe nhomba yeSinopharm kubva kuChina mukutanga kwemwedzi uno uye yakatengawo zvakare imwe nhomba yekuChina yeSinovac.

Hurumende yakabvumidzawo kushandiswa kwenhomba yekuRussia, yeSputnik V.

Nhomba yeCOVAXIN iyi yakagadzirwa nekambani yeBharat Biotech ichishanda pamwechete nesangano rinoona nezvetsvakurudzo dzemishonga muIndia, reIndian Council of Medical Research.

Nhomba iyi inobayiwa kaviri, kepiri kachibaiwa mushure memazuva makumi maviri nemasere, kana kuti 28 ekunge munhu atora nhomba yekutanga.

Nhomba yeCOVAXIN inonzi yakaratidza zvikamu makumi masere nechimwe kubva muzana, kana kuti 81 percent, zvekushanda kwayo kudzvirira Covid-19 pavanhu vanenge vasina nhoroondo yehutachiwana hunokonzera chirwere ichi mushure mekunge vabaiwa nhomba yepiri.

Nyanzvi mune zvehutano vachidzidzisa pa Nottingham Trent University kuBritain, Doctor Mathew Nyashanu, vanoti chinhu chakanaka chose kuti Zimbabwe yawana imwe nhomba kubva kuIndia, asi vanokurudzira kuti dai hurumende ichifanodzidzisa veruzhinji pamusoro penhomba inenge ichizopinda munyika nhomba iyi isati yapinda.

Doctor Nyashanu vanoti izvi zvinozobatsira kuti veruzhinji9 vanenge vave neruzivo nechakare panozopinda mushonga uyu munyika, pane kuti vanhu vatange kudzidziswa nezvawo iwo wazara munyika.

Doctor Nyashanu vanotiwo hurumende inofaniorwa kutenga mushonga wakawanda unenge wafarirwa nevanhu wakawanda kuitira kuti vanhu vasazosanganisirwa mishonga kana vachinge vonobaiwa nhomba dzepiri vachizopiwa unenge wakasiyana nenhomba yekutanga.

Hurukuro naDoctor Mathew Nyashanu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG