Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanorumbidza Mauto Vachiti Kune Vavengi Vari Kurwisa Zimbabwe


Some members of the Zimbabwe National Army attended Heroes Day on Monday and Defence Forces Day on Tuesday.

Zimbabwe yacherechedza zuva remauto, kana kuti Defence Forces Day, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachiti Zimbabwe iri kurwiswa nevavengi pachishandiswa zvirango zvehupfumi pamwe nemadandemutande eSocial Media.

Mumashoko avo ekupemberera Defence Forces Day, VaMnangagwa varumbidza mauto vachiti ari kuita basa guru mukudzivirira nyika kubva kuvavangi.

VaMnangagwa vatenda mauto nekuramba akabatana pamwe nekumisa kuratidzira zvine mhirizhonga kwainge kwarongwa nemapato anopikisa nemasangano akazvimirira achishanda nevavati vavengi vemuno nekunze.

VaMnangagwa vatiwo mauto anobatsira zvikuru mumatambudziko vakapa semuenzaniso rubatsiro rwakapihwa nemauto apo pakaita dutumupengo reCylone Idai apo mauto akabatsira kupa vanhu chikafu, kuvaka migwagwa nemabhiriji zvainge dzaparadzwa nedutumupengo iri.

VaMnangagwa vati vari muchiuto vari kubatwawo neCovid-19 vakati vakambove mukuru wemauto emuchadenga kwenguva yakareba, VaPerence Shiri, pamwe nevaive mutauriri wemauto, Colonel Overson Mugwisi, nevamwe, vakashaya nedenda iri.

Bato guru rinopikisa munyika, reMDC Alliance, ratiwo rinoyemura basa guru range riri kuitwa nemauto mukati memakore makumi mana apfuura, munyika, muSADC neAfrica.

Mutauriri webato iri, Advocate Fadzayi Mahare, varumbidza basa guru rakaitwa nemauto paCyclone Idai.

Mutevedzeri waAdvocate Mahere, VaClifford Hlatshwayo, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo mauto achiita basa guru rekuchengetedza runyararo, pane pamwe paanoshandiswa kurova vanhu izvo zviri kunze kwebumbiro remitemo yenyika.

Vati shuviro yavo ndeyekuti mauto agare zvakanaka achitambirawo mari dzinofadza.

Mumwe mugari wemuHarare, VaJohnstone Chirwa, vaudza Studio7 kuti vanobvumirana kuti mauto anoita basa guru asi vakati havafari kuti mauto emuZimbabwe ave kushanda akarerekera kune rimwe bato.

Asi muhurukuro yavakaita nenhepfenyuro yeZBC TV pamusoro peDefence Forces Day neMuvhuro manheru, mukuru weZimbabwe Defence Force, General Philip Valerio Sibanda, vakati mauto ndeevanhu uye aripo pakudzvirira nyika nevanhu vese.

Vakati hazvifadzi kuti pane vamwe vanoshora nekutuka mauto vachiti izvi zvinokonzerwa nevanhu vanonyora manyepo nezvimwe zvisina kunaka pamamusoro pemauto paSocial Media.

Mhemberero dzanhasi dzaitwa vanhu vari mudzimba nekuda kweCovid-19 pasi pedingindira rekuti: “The ZDF: Celeberating 40 Years of Excellent Service to the People.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG