Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanogadzwa seMutungamiri Mutsva Vachiti Sarudzo Dziri Kuitwa Gore Rinouya


VaEmmerson Mnangagwa, Zimbabwe, Harare, 24 novembre 2017.

Mutungamiri wenyika mutsva, VaEmmerson Mnangagwa, vaudza mhomho yevanhu yaungana pakugadzwa kwavo kuti Zimbabwe ichaita sarudzo gore rinouya, uyewo vavimbisa kuti vachashanda nevanhu vese zvisinei kuti ndevebato ripi.

Mumashoko avo ekutanga semutungamirriri wenyika, VaMnangagwa vavimbisawo kuti basa ravo guru ndere kugadzirisa hupfumi, kupedza huwori uyewo vatiwo vashandi vehurumende vanofanira kushanda nesimba kuitira kuti nyika ifambire mberi.

Vachitaura kuzviuru zvevanhu zvapinda muNational Sports Stadium, VaMnangagwa vatenda VaRobert Mugabe avo vakasiya basa svondo rino vachiti vakaita basa guru rekusunungura nyika, uye vati kunyange paine zvavakatadza nekuda kana nekusaziva, vanofanira kuregererwa kuti nyika ifambire mberi.

VaMnangagwa vati hurumende yavo ichashanda nevanhu vese zvisinei kuti ndevemapato kana masangano api.

VaMnanangwa vati Zimbabwe ichaita sarudzo gore rinouya sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika uye vati sarudzo idzi dzinofaria kuitwa murunyararo vachiti chakakosha kushanda pamwe nekbatana pane kurwira zvigaro.

VaMnangagwa vati basa guru ravo kumutsiridza hupfumi nekukwezva vemabhimisisi ekunze kuti vazosima mari yavo munyika.

Vati hurumende ichagadzira mitemo nenzira dzekuti vekunze vapinde munyika pasina matamabudziko. Vati kana hupfumi hukaita zvakanaka, vanhu vanowana mabasa nekugara zvakanaka.

Vatiwo dambudziko remari rinofanira kugadziriswa nechimbi chimbi.

VaMnangagwa vazivisawo kuti hurumende yavo haisi kuzodzokera kumahsure panyaya yeminda yakatorwa asi vati vacharipa vese vakatorerwa minda uye vachamutsiriga komisheni inoona nezveminda yeLand Commission kuti igadzirise matambudziko ezve ivhu nemashandisirwe aro.

VaMnangagwa vati Zimbabwe yakazvipira kushanda nenyika dzese pasi rino kusanganisira idzo dzainge dzakaitemera zvirango zvehupfumi.

Vati Zimbabwe ichabhadhara zvikwereti zvayo pamwe nekuta zvese zvinodiwa kuti igadzirise hukama hwayo nenyika idzi.

VaMnangagwa vatiwo nyaya yehuwori yakakanganisa hupfumi nenyika uye vayambira kuti vese vanoita huwori vacharangwa zvisinei kuti vari muhurumende here kana kuti.

Vatiwo zvakakosha kuti vashandi vehurumende vaite basa nemazvo nekusiyana nehuwori vachiti nyaya yehowori yange yakanganisa chimiro chehurumende.

Vatungamiriri venyika dzeMozambique, Zambia neBotswana uye vakambotungamira Zambia, VaKennet Kaunda naVaRupiya Banda, pamwe naVaSam Nujoma naVaPohamba vekuNamibia ndevamwe vaona VaMnangagwa vachigadza

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG