Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanorangarira Zuva reDefence Forces Day Vachirumbidza Mabasa Ari Kuitwa neMauto


Zimbabwe Defence Forces Day.
Zimbabwe Defence Forces Day.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati mauto ari kuita basa guru mukuzadzisa zvinangwa zvehurumende kuburikidza nekuunza budiriro munyika, kuunza runyararo, kurwisa chirwere cheCovid-19 pamwe
nekuvaka zvikoro, makiriniki nemabhiriji munyika yose.

Vachitaura nhasi pamuzinda weState House vachirangarira zuva remauto
VaMnangagwa vati mauto, achicherechedza donzvo rawo mubumbiro remitemo pasi pehurumende yavo VaMunangagwa, ari kuita chikamu
chawo mukuzadzisa zvinodiwa mukuvandunza maindasitiri nebudiriro yakaenzana munyika.

VaMnangagwa vati izvi zviri kuitikaa nekuda kwerunyararo, kudhonza
pamwechete,pamwe nekuwirirana kuri munyika izvo zvichaita kuti vanhu vemunyika vaumbe Zimbabwe yavanoda.

VaMnangagwa vati nyika iri kurangarira zuva remauto paine mamwe mauto ane chitsama akafa nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Nekudaro VaMnangagwa vati mauto akazvipira kupinda muhondo yekurwisa chirwere cheCovid-19 nekuona kuti vanhu vatevedzera mitemo yakudzikisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

VaMnangagwa vati mauto ari kuita tsvakurudzo yechirwere cheCovid-19
nezvikoro zvepamusoro pamwe nemamwe masangano anoita zvetsvakurudzo munyika.

Panyaya yekuendesa mauto kuMozambique iyo iri kurwiswa
nevanopfurikidza mwero, VaMnangagwa vati nyika iri kuendesa mauto
anosvika mazana matatu nemumwe chete.

VaMnangagwa vati mauto ari kuyamurawo mukuvaka mabhiriji, zvikoro pamwe nemakiriniki muzvimbo dzakawanda munyika dzinosanganisira Mberengwa, Chiredzi neChimanimani.

Mutauriri weMDC T, VaWitness Dube, varumbidza danho rehurumende rekutumira mauto kunoyamura Mozambique vachiti dambudziko renyika iyi
idambudziko reZimbabwe.

Panyaya yekuti mauto ayamure mukubaiwa kwenhomba yeCovid-19, vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, uye vari munyori wezvehutano muMDC Alliance, Dr Henry Madzorera, vati
chinhu chakanaka asi mauto anofanirwa kugadzirisa hunhu hwavo uona kuti hashandiswe mukushungurudza vanhu, zvikuru vanopikisa.

VaMnangagwa vatorawo mukana wanhasi kuyambira mamwe masoja kuti asaite zvehunhubu zvekuwanikwa achiita zvehugororo izvo vati zviri kusvibisa zita remauto.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG